Vanhu vatanhatu vari kufungidzirwa kuti vakatsva vakafira mumatura eGrain Marketing Board, GMB, kuLions Den neChipiri manheru.
Vari kufungidzirwa kuti vakatsvira mumoto vashandi veGMB vanonzi vaitsvaira matura aya.
Gurukota rezvekurima, VaPerence Shiri, vakaramba kutaura nezvehuwandu hwevanhu vakafa vachiti vachazivisa veruzhinji kana vapedza kutsvaga vanhu mumatura ose.
VaShiri vakati pari zvino havazive chakakonzeresa kuputika kwakaitika kunyange vamwe vachiti zvakakonzerwa nekusafamba zvakanaka kwemagetsi.
Mumwe anga ari pedyo nematura paakaputika, ndiVaTimothy Tinarwo vanogara muLions Den.
VaTinarwo vanoti vaona mitumbi mitatu uye mumwe anonzi afa achienda kuchipatara chemuChinhoyi.
Vanhu vatatu vakaburitswa vari vapenyu vakaendeswa kuchipatara chemuChinhoyi asi mumwe wavo ayinge akanyanya kutsva akaendeswa kuchipara cheParirenyatwa.
Matura ekuLions Den ndiwo makuru kune matura ose eGMB ari munyika yose.
Facebook Forum