Zimbabwe yaisa chikumbiro kuGlobal Fund chemari inosvika mamiriyoni mazana matanhatu nemakumi maviri nemasere emadhora kana kuti $628 million. Mari iyi yakanangana nekurwisa zvirwere zvakaita seHIV, Malaria neTB kubva muna 2018 kusvika muna 2020.
Zimbabwe iri pakati penyika shoma dzinopihwa mari yakawanda neGlobal Fund dzinosanganisa Nigeria, Tanzania, Democratic Republic Congo, Mozambique neIndia.
Chikumbiro chemari yeHIV chiri kutarisirwa kusimbisa mabasa ekubatsira vanasikana, ngochani uye vanoita zvehupfambi.
KuTB, Zimbabwe inoti inoda kubatsira kunyanya vana, vari mumajeri, vanochera zviwanikwa mumigodhi nevamwe.
Sachigaro wekomiti inoona nezveTB muchikwata chakanyora chikumbiro cheZimbabwe yeCountry Cordinating Mechanism, VaDonald Tobaiwa, vanoti zvakakosha kuti nyika isarambe ichingopemha mari kune vekunze asi kuti isimbise kutsvaga dzimwe nzira dzekuzvibatsira.
Sachigaro weZimbabwe Network for Positive People, Amai Marthe Tolana, vanoti nemamiriro akaita zvinhu munyika panoda mari yakawanda kuti Zimbabwe izadzise zviga zvayo zvekurwisa zvirwere izvi.
Facebook Forum