Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Netball Team Yokweshana neSri Lanka neChishanu


Zimbabwe netaball team
Zimbabwe netaball team

Chikwata cheZimbabwe Netball Team chiri kuparura makwikwi emitambo ye2019 Netball World Cup neChishanu apo maGems ari kukweshana nechikwata che Sri Lanka.

Chikwata ichi chiri kupinda munhandare mangwana panguva dzekudya kwemasikati mumutambo wavo wekutanga we2019 Vitality World Cup neSri Lanka vatambi vekuZimbabwe vaine tarisiro yekukunda kuti vapfavise nzira yavo yekusvika munharaunda yechipiri mumakundano makuru aya.

Hapana chinokwanisa kutsanangudza mufaro uri mukamba yemaGems pachifamba mashoko ekuti veruzhinji vanobva muZimbabwe asi vachigara muLiverpool, nevamwe vanobva mumaguta ari pedyo neLiverpool, vari muguta iri vachipa rutsigiro kuchikwata chenyika ichi.

MaGems pachavo ari kuziva kukosha kwemutambo uyu zvekuti ari kuda kurova chikwata cheSri Lanka icho chinotarisirwa pasi pasi mugungano iri kuti nzira yawo yekusvika munharaunda yechipiri imire zviri nani.

Pari zvino, Sri Lanka iri pachinhanho chechegumi pasi rese, pasi peZimbabwe iyo iri pachinzvimbo chegumi neina.

Kurova Sri Lanka kunosvitsa Zimbabwe pedyo nenharaunda yechipiri sezvo zvikwata zvitatu kubva mugungano rezvikwata zvina iri ndizvo zvinoenderera mberi nemakundano.

Mutauriri wemaGems, VaMaimba Mapuranga, vanoti morari wakasimuka zvinotyisa mukamba vachiti ivo hapana chimwe chavari kutarisa kunzwe kwekukunda.

Patricia Maoladi, uyu anotamba pakati penhandare, anoti vari kuda kurova Sri Lanka zvakasimba mumutam bo wavo wekutanga uyu.

Mutsigiri wemaGems ari muZimbabwe, Muzvare Rebecca Mushunje, vanoti Zimbabwe inokunda mumutambo uyu.

Munyori wenhau dzemitambo, Tawanda Tafirenyika, anoti Zimbabwe ine mukana wakasimba wekukunda nekutora mapoinzi ese kubva paSri Lanka iyo isina nhoroondo yakasimba munyaya dzenetball pasi rese.

Ikapedza neSri Lanka, Zimbabwe iri kusangana neAustralia neMugovera, ichizopedzisa mitambo yayo yemugungano iri neNorthern Ireland neSvondo.

Australia ndiyo iri pamusoro mumamiriro ehurongwa hwezvikwata pasi rese, Northern Ireland iri pachinhanho chechipfumbamwe.

Kunze kweZimbabwe, zvimwe zvikwata zvakamirira Africa mumakundano aya i South Africa, Malawi neUganda.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG