Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Inokwatura Sri Lanka 79-49


2019 Netball World Cup, Liverpool
2019 Netball World Cup, Liverpool

Chikwata chenyika chemutambo wenetball chemaGems neChishanu masikati chandengendesa pasi rese mushure mekukunda Sri Lanka mutambo wavo wekutanga weWorld Cup watambirwa kuLivepool muBritain.

Chikwata ichi chadadiswa zvikuru mushure mekurova Sri Lanka, 79-49 mumutambo wacho wekutanga we 2019 Vitality World Cup, muLiverpool, England, neChishanu masikati.

Kukunda uku kwavhurira maGems mukana wekuenderera mberi nemakwikwi aya.

Chiri kunyanyofadza veruzhinji matambiro evasikana ava ayo avasiya vaine mapoinzi makumi matatu kudarika Sri Lanka iyo iri pachinhanho chemakumi maviri pasi rese.

Kukunda uku kwasimudza manyuku-nyuku muZimbabwe mumwe muteveri mezvemitambo, VaTatenda Makazhu, vachiti vari kufara zvikuru nezvaitwa nevatambi ava.

Muongorori wezvemitambo, VaTinashe Museti, vanoti maGems anofanira kutendwa zvakasimba nezvaaitira nyika izvi.

Asi Studio7 haina kukwinisa kubata vari muhurumende kuti tinzwe nezvekukunda kwemaGems.

Asi VaLawrence Hwekwete, avo vanotevera mutambo wetsiva, vanoti izvi zviri kuratidza kugona kwevanhukadzi mumitambo yavo panguva iyo vanhurume vari kutatarika.

Kukunda uku kwasimbisa mukana weZimbabwe wekuenderera mberi kusvika munharaunda yechipiri, zvisineyi nezvichabuda mune mimwe mitambo yasara.

Zvikwata zvitatu kubva mugungano iri, iro riri kusanganisirawo Australia neNorthern Ireland, ndizvo zvinobudirira kuenda munharaunda yechipiri.

Zimbabwe iri kusangana neAustralia mangwana ichizopedzisa mitambo yayo yemugungano iri neNorthern Ireland neSvondo apo ichaziva kuti yasvika papi nehondo yekutora mukombe uyu.

Mumwe mutambi wechikwata ichi, Mercy Mugwadi, ane chivimbo chekuti vanosvika mufainari chete.

Kukunda kwavaita Sri Lanka uku imwe peji munhoroondo yemitambo muZimbabwe sezvo aka kari kekutanga Zimbabwe ichikwikwidza mumakundano eWorld Cup aya.

Kukunda uku, kuchabatsirawo zvekare kukurudzira zvimwe zvikwata zviri kumirira Africa mumakwikwi aya, South Africa, Malawi, neUganda uyezve kubatsra kusimudzira mutambo wenetball kumba muZimbabwe.

Zvichakadaro, makundano enhabvu eCastle Lager Premier Soccer League ari kuenderera mberi paine mutambo mukuru pakati peHighlanders neFC Platinum iyo ine mukombe uyu uyezve iri pamusoro petafura pari zvino.

Mimwe mitambo yarongwa yakamira seizvi:

Mugovera

Bulawayo Chiefs v Manica Diamonds

Black Rhinos v Dynamos

Harare City v ZPC Kariba

Chapungu v Ngezi Platinum Stars

Svondo

Caps United v Yadah

Triangle United v TelOne

Mushowani v Herentals

Hwange v Chicken Inn

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:29 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG