Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Yakundwa 73 - 37 neAustralia Mumakwikwi eNetball World Cup kuLiverpool.


2019 Netball World Cup, Liverpool
2019 Netball World Cup, Liverpool

Chikwata chenyika cheNetball chemaGems charohwa 73- 37 neAustralia iyo ine mukombe weWorld Cup uyu.

Vasikana vemuZimbabwe ava vatamba nepese pavanogona napo asi zvaramba apo varakashwa 73-37 neAustralia iyo ine mukombe uyu uyezve yakatora mukombe weWorld Cup uyu kanokwana gumi kubvira makundano aya avambwa muna 1963.

Hapana maGems zvavanga vachikwanisa kuita pamutambo neAustralia uyo vakurirwa kubva uchitanga kusvika upere zvichiratidza musiyano uriko pakati peZimbabwe, iyo iri kumakundano aya kekutanga, neAustralia iyo yakatora mukombe uyu kanokwana gumi.

Izvi zvaratidzwa zvekare nemusiyano wezvibodzwa makumi matatu nezvitanhatu zvabuda papera mutambo uyo wanga uri muLiverpool, England.

Muongorori wezvemitambo, VaTichafa Muzondiwa, vanoti hapana zvayaikwanise kuita Zimbabwe pamhondoro yeAustralia mumutambo uyu.

Asi Zimbabwe ichine mukana wakasimba wekuendera mberi nemakundano aya mushure mekunge Sri Lanka yarohwa zvekare 67-50 neNorthern Ireland.

Zimbabwe inofanira kurova Northern Ireland mumutambo wayo wekugumisira mangwana kuti iwane nzira yekuenda munharaunda yechipiri zvisina pikiso.

Asi izvi zvikakona, Australia ikarova Sri Lanka, Zimbabwe inobudirira zvekare sezvo Sri Lanka inenge yapedza isina kana poindi imwe chete.

Asi mumwe muteveri wechikwata ichi, Muzvare Rebecca Mushunje, vanoti Zimbabwe inofanira kuenda munharaunda yechipiri zvisinei nezvabuda mune mimwe mitambo.

Mushure mekuona Northern Ireland ichitatarika neSri Lanka, vakawanda vanofunga kuti Zimbabwe inokunda mumutambo uchaitwa neSvondo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:02 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG