Accessibility links

Breaking News

Nyanzvi Dzoshora Hurumende Mabatiro Ayo Zvibvumirano neMakambani

  • Blessing Zului

Gurukota remhando dzemoto, VaElton Mangoma
Hurumende yakazivisa neChipiri kuti yave kuvandudzazve chibvumirano chayainge yanyorerana pasi nekambani yemafuta ekufambisa, yeGreen Fuel kuChisumbanje, mushure mekunge paita kusawirirana pakati pemakurukota eZanu-PF neMDC.

Chibvumirano chechipiri ichi, cheGreen Fuel, chine mari yakawanda uye chiri kukonzera kusawirirana nebopoto muhurumende.

Gurukota rezvemhando dzemoto, VaElton Mangoma, vanonzi havana kufara nemabatirwo akanga aitwa nyaya yeGreen Fuels, izvo zvakazoita kuti paumbwe komiti yemakurukota yaiva naVaArthur Mutambara, mutevedzeri wemutungamiri wehurumende, sasachigaro.

Muridzi wekambani yeGreen Fuel, VaBilly Rautenbach, ishoroma inodyidzana zvakanyanya neZanu-PF.

VaRautenbach vanonzi vakatorera vanhu minda vasina kuvapa mari uye nzvimbo yavakavakira kambani yavo, yainge isiri pachibvumirano chavakaita nehurumende chekuti vaivake, vomboita bhizimisi, vozopa kambani iyi kuhurumende mushure menguva yakawiriranwa.

Asi pakatanga mutauro wechibvumirano ichi, dare remakurukota rakaumba komiti yakaita ongororo ikazotenda kuti kambani yeGreen Fuel iite mubatira pamwe nekambani yeARDA sezvakaitika pachibvumirano pakati pehurumende nekambani yeEssar yekuIndia pakutorwa kwakaitwa Ziscosteel, iyo yave kunzi NewZim Steel.

Gurukota rezvemaindasitiri, VaWelshman Ncube, ndivo vakaita chibvumirano neEssar, asi pave nekunetsana zvikuru negurukota rezvemigodhi, VaObert Mpofu, vane mimwe mumigodhi iri pasi pebazi ravo yakapihwa kambani yeEssar.

Vamwe vanotiwo makurukota ehurumende ari kukundikana kushanda nenyanzvi dzinoziva nezvezvibvumirano zvakadai zvopa kuti zvinhu zvitadze kufamba zvakanaka.

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi, VaCallisto Jokonya, avo vaimbotungamira sangano reConfederation of Zimbabwe Industries, vanoti zviri kuitwa nehurumende yemubatanidzwa zvinoshoresa nyika.

Mashoko aya anotsinhirwawo nenyanzvi munyaya dzezvehupfumi uye vari mukuru wesangano reLabour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe, VaGodfrey Kanyenze, avo vanoti hurumende inofanira kutsvaga zvipangamazano zvekunze kwehurumende zvinofanirwa kuvabatsira.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:12 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG