Accessibility links

Breaking News

VaLast Maengahama naVaTungamirai Madzokere Vanoti Vacharamba Vachirwira Hutongo hweJechetere


Freed MDC activist, Last Maengahama

Nhengo dzeMDC mbiri dzakabuditswa mujeri reChikurubi nezuro mushure memakore masere mushure mekukuwanikwa dzisina mhosva panyaya yadzainzi dzakaponda mupurisa muna 2011 dzinoti hadzisi kuzodzokera kumashure nenyaya yekurwira kuti munyika muve nehutongi hwejekerere.

Vachitaura neStudio 7 nhasi mushure mekubuditswa kwavakaitwa mujeri nezuro, VaLast Maengehama naVaTungamirai Madzokere vati kugara kwavakaita mujeri kwenguva refu hakusi kuzovaworesa mwoyo panyaya yekurwira kuti munyika muve neshanduko munyaya dzezvematongerwo enyika.

Freed MDC activist, Last Maengahama
Freed MDC activist, Last Maengahama

VaMaengehama vati vari kuda kuti munyika muve nehutongi hwejekere vachiti vachashanda zvakasimba nevamwe vavo.

Mashoko aVaMaengehama atsinhirwa naVaMadzokere avo vati vacharamba vachiita zvematongerwo enyika donzvo riri rekuti munyika muve negutsaruzhinji.

VaMadzokere naVaMaengehama vati vachabata basa vari kuMDC Alliance inotungamirwa naVaNelson Chamisa.

VaMaengehama vati kusawirirana kuri muMDC hakufanire kuita kuti veruzhinji varase gwara remusangano wavo vachiti chakakosha ndechekuti zvido zveveruzhinji zvitungamidzwe mberi.

VaMaengehama vakurudzirawo mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, kuti vagare pasi vataurirane naVaChamisa kugadzirisa matambudziko akatarisana nenyika.

Asi VaMnangagwa nebato ravo reZanu PF vanoti nhaurirano dziri kuitwa dziri kuitwa pasi pegungano rePolitical Actors Dialogue kana kuti Polad vachiti vese vanoda zvenhaurirano vanofanira kuuya kuPolad.

VaChamisa nekune rumwe vanoti havasi kuzoenda kunhaurirano dzekuPolad vachiti gakava riri munyika rinotangira panyaya dzekubirirwa kwavanoti kwakaitwa sarudzo naVaMnagagwa avo vanoti vakahwinha zviri pachena.

VaMadzokere vakurudzira kuti patsvagwe nzira dzekugadzirisa kuti sarudzo dzisabirirwe.

Tungamirai Madzokere
Tungamirai Madzokere

VaMadzokere vatiwo ivo naVaMaengehama vakashandisawo nguva yavanga vari kujeri kuwedzerera dzidzo yavo asi vanoti kujeri hakuna zvikwanisiro zvekuti vasungwa vanenge vachida kudzidza vaenderere mberi nedzidzo vachipika zvavo.

VaMaengehama naVaMadzokere vakasungwa pamwe chete nedzimwe nhengo dzeMDC makumi maviri nenomwe vachipomerwa mhosva yekuponda mupurisa VaPetros Mutedza panzvimbo yemabhizimusi iri mumusha weGlen View muna 2011 pamhirizhonga yakaitika panzvimbo iyi ine chekuita nezvematongerwo enyika.

Vakazobatwa nemhosva yekuponda VaMutedza nedare repamusoro vakagara mujeri kwemakore masere asi vakazowanikwa nedare reSupreme Court nezuro vasina mhosva panyaya iyi.

Pakutongwa kwenyaya yavo, nhengo dzeMDC idzi dzaiti dzaishungurudzwa zvine chekuita nezvematongerwo enyika.

please wait

No media source currently available

0:00 0:06:44 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG