Accessibility links

Breaking News

VaBarack Obama Vanorumbidza Mabasa aMuchakabvu Nelson Mandela


VaBarack Obama
VaBarack Obama

Vaimbove mutungamiri weAmerica, Va Barack Obama, vakarumbidza vaimbove mutungamiri weSouth Africa, mushakabvu Nelson Mandela, nebasa guru ravakaita rekurwira kuti munhu wese ave nerusununguko.

Vachitaura neChipiri kuvanhu vanodarika zviuru gumi nezvina muJohannesburg muhurongwa hwekurangarira VaMandela, VaObama vakarumbidza mabasa akaitwa naVaMandela, avo vaifanirwa kusvitsa makore zana gore rino, dai vakange vachiri vapenyu.

VaObama vakati hondo yerusununguko haisati yapera, uye vanhu vanofanira kudzidza kubva kuhunhu hwairatidzwa naVaMandela.

VaObama vakaratidzawo kushushikana nerusarura ganda ruchiripo munyika mavo nemuSouth Africa, zvinhu zvavanoti ndizvo zvakarwirwa naVaMandela kuti zvipere pasi rose.

Mashoko akataurwa naVaObama ndeemhando yepamusoro zvichitevera kusiya kwavo basa semutungamiri weAmerica muna 2017, mushure mekunge vashanda muWhite House kwemakore masere.

VaObama vakasangana naVaMandela muna 2005, makore matatu vasati vasarudzwa kuva mutungamiri weAmerica.

Muna 2013, VaObama vakataura mashoko akadzama pahurongwa hwekurangarira VaMandela.

VaMandela vakagara muhusungwa kwemakore makumi maviri nemanomwe, vakazoburitswa mujeri muna 1990, vakazoitwa mutungamiri wechitema wekutanga muSouth Africa muna 1994.

VaTrust Masieleala, avo vari kuita zvidzidzo zvepamusoro soro pa University of Johannesburg, vakati kurudziro yaVaObama haina kunangana ne South Africa chete, asi kuti ikurudziro kunyika dzose kuti dziremekedze kodzero dzevanhu.

Chipangamazano musangano re Political Economy Southern Africa, VaGideon Chitanga, vakatiwo mashoko aVaObama aburitsa pachena matambudziko ari kunetsa nyika zhinji pasi rose.

VaTerrence Chitapi veAfrican Democracy Forum kuchamhembe kweAfrica, vakatiwo mashoko aVa Obama anoratidza kuti hapana munhu akakosha kupfuura mumwe.

Mutungamiri weSouth Africa, Va Cyril Ramaphosa, pamwe nemudzimai waVaMandela, Amai Gracia Machel, vakarumbidza VaMandela vakakurudzira munhu wese kuti azadzikise chido chavo chekuda kuona munhu wese akasununguka.

VaObama vasati vapinda muSouth Africa, vakashanyira Kenya kwemazuva maviri, uko kwakaberekerwa baba vavo.

VaObama vakaita hurukuro nemutungamiri weKenya, VaUhuru Kenyatta, pamwe nemutungamiri webato rinopikisa, VaRaila Odinga nemusi weSvondo.

NeMuvhuro VaObama vakaswera vari muguta rakaberekerwa baba vavo re Kogelo kuKenya kwakare, uko vakavhura muzinda wekudzidzira mitambo, uyo wakatangwa nehanzvadzi yavo.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:02 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG