Accessibility links

Breaking News

VaChombo Vanosungwa neZimbabwe Anti Corruption Commission


VaIgnatius Chombo

Vaimbova gurukota rezvemari, VaIgnatius Chombo, vamiswa pamberi pedare zvakare neChina vachipomerwa mhosva yekuita huori pamwe nekutambira chiokomuhomwe.

VaChombo vakasungwa neChitatu neZimbabwe Anti Corruption Commission, vachipomerwa mhosva kuita zvehuori apo vaive gurukota rezvematunhu.

Muchuchisi wenyaya iyi, VaEdmore Nyazamba, vaudza dare kuti VaChombo vakaita huori pakugariswa kwakaitwa vanhu pane rimwe purazi pasi pechirongwa chehurumende cheOperation Garikai/Hlalani kuhle.

Va Nyazamba vati VaChombo vakatambirawo chiokomuhomwe pakutengeswa kweimwe imba kuNorton.

Gweta raVaChombo, VaLovemore Madhuku, vatsinhira zvataurwa mudare naVaNyazamba pamhosva dziri kupomerwa VaChombo.

"VaChombo vakasungirwa nyaya ine chekuita nechirongwa che Garikayi pazviri kunzi vakaita zvehuori. Hurumende iri kuti pane zvavakaita zvisiri pamutemo maererano nenzvimbo yakazogariswa vanhu," VaMadhuku vadaro.

VaMadhuku vakumbirawo dare kuti VaChombo vatongwe vachibva kumba pasi pe mari yechibatiso yavakabvisa pamhosva yekutanga muchikumbiro chavakasvitsa kudare repamusoro.

Mutongi wedare, Amai Rumbidzai Mugwagwa, vati VaChombo vadzoke kudare musi wa8 Ndira.

VaChombo vakapambwa nemasoja pakapindira masoja munyaya dzezvematongerwo enyika zvakazoita kuti vaimbova mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vasiye basa.

Vakazomiswa mudare mushure memazuva akati kuti vave kupomerwa mhosva dzekuita huori pamwe nekushandisa masimba avo zvisirizvo.

Pari zvino Va Chombo vari kuzvipira kumapurisa katatu pazuva mushure mekusiya magwaro emba yavo pamwe nepasipoti yavo kudare.

Nyaya Ina Thomas Chiripasi
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:11 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG