Accessibility links

Breaking News

VaChombo Vofurwa neMhepo Zvichitevera Kupihwa Mukana weKubvisa Mari yeChibatiso


Vaimbova gurukota rezvemari, VaIgnatius Chombo, vapihwa mukana wekubhadhara mari yechibatiso pamhosva dzavari kupomerwa dzehuori pamwe nekushandisa masimaba avo zvisirizivo.

Mutongi wedare repamusoro, Amai Edith Mushore, vatura mutongo wekuti VaChombo vabhadhare zviuru zvishanu zvemadhora semari yechibatiso uye kuti vazvipire kumapurisa katatu pazuva, vasiye mapepa emba yavo yeku Mt Pleasant kudare, vasiye magwaro avo ekufambisa kudare pamwe nekusasvika kumahofisi ebazi rezvematunhu pamwe nekubhanga guru renyika reReserve Bank of Zimbabwe.

Gweta raVaChombo, VaLovemore Madhuku, vati vafara kuti VaChombo vave kuzobuda muhusungwa mushure mekugara muhusungwa kwenguva refu.

VaMadhuku vati vachatorawo matanho ekuti VaChombo vagorerutsirwa pane zvaturwa nedare.

VaChombo vari kupomerwa mhosva yekuita huori mukutenga imba yavo yeku Glen Lorne muHarare vachiri gurukota raiwona nezvematunhu uye kushandisa chinzvimbo chavo zvisirizvo apo vakatora mari kubhanga re RBZ.

Zvichakadai, vaimbova mutungamiri wevechidiki muZanu-PF, VaKudzanai Chipanga, vapihwawo mukana wekubhadhara mari yechibatiso pamhosva yavari kupomerwa yekuzvidza mauto.

Amai mushore vati va chipanga vabhadhare mazana mashanu emadhora emari yechibatiso uye kuti vasiye magwaro avo ekufambisa kudare pamwe nekuzvipira kumapurisa kaviri pazuva,

Va Chipanga vanonzi vakashora mauto zvichitevera mashoko avakaburitsa vachitsoropodza mukuru wemauto munyika, VConstantino Chiwenga, avo vakati mauto aizopindira kana makatatanwa aiva mu Zanu-PF asvika pakawomarara.

Sekutaura kwaakaita, mauto akazopindira munyaya dzezvematongerwo enyika zvakazoita kuti vaimbova mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vasiye chigaro.

Nyaya Ina Thomas Chiripasi
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:40 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG