Accessibility links

Breaking News

Nyaya Dziri Kupomerwa VaChombo naVaChipanga Dzinotadza Kunzwikwa neDare


 Zimbabwe's former finance minister, Ignatius Chombo, center and Kudzanai Chipanga are led to a prison truck in Harare, Zimbabwe, Nov. 25, 2017. Chombo testified that armed men in masks and uniforms abducted him from his home during the military operation
Zimbabwe's former finance minister, Ignatius Chombo, center and Kudzanai Chipanga are led to a prison truck in Harare, Zimbabwe, Nov. 25, 2017. Chombo testified that armed men in masks and uniforms abducted him from his home during the military operation

Dare repamusoro raratidza kushushikana zvikuru nechinono chiri kuitwa nemagweta ehurumende kuti nyaya dzakakwidzwa kudare repamusoro nevaimbova gurukota rezvemari, VaIgnatius Chombo, pamwe nevaimbova mutungamiri wevechidiki muZanu PF, VaKudzanai Chipanga, dzinzwikwe.

Mutongi wedare repamusoro, Amai Edith Mushore, varatidza kusafara nekunonoka kuri kuita magweta ehurumende kuwunza kudare mapepa ekupikisa chikumbiro chakasvitswa naVaChombo naVaChipanga chekuti vapihwe mukana wekubhadhara mari yechibatiso.

Amai Mushore vaudza gweta riri kumirira hurumende panyaya yevaviri ava kuti chikumbiro chekubhadhara mari yechibatiso chinofanira kunzwikwa nekukasika saka nokudaro vati magweta ehurumende anofanira kunge asvitsa kudare mapepa awo ekupikisa zvikumbiro zvevaviri ava panopera zuva ranhasi kwete kuti vangouya kudare vakabata mawoko chete vachiti vari kupikisa zvikumbiro izvi pasina chinozvitsigira.

Gweta ranga rakamirira hurumende panyaya iyi, VaEdmore Nyazamba, vati chaita kuti vauye vakabata mawoko inyaya yekuti havasati vawana magwaro enyaya iyi kubva kudare ramejasitiriti.

Gweta rakamirira VaChombo naVaChipanga, VaLovemore Madhuku, vatsinhira zvaturwa nedare vachiti havasi kufarawo nezviri kuitwa nehurumende panyaya iyi vachiti vasungwa vagarisa vari mujeri uku hurumende ichiita hayo zvekunanazira.

VaMadhuku vati nyaya iyi yave kutarisirwa kudzoka mudare neChina.

VaChombo vari kupomerwa mhosva yekuita zvehuori mukutenga kwavanonzi vakaita imba yekuGlen Lorne muHarare uye vanonzi vakashandisa masimba avo zvisirizvo mukutora kwavanonzi vakaita mari kubhanga guru renyika reReserve Bank of Zimbabwe.

Nekune rumwe rutivi, VaChipanga vari kupomerwa mhosva yekuzvidaa masoja zvichitevera mashoko akanga abuditswa nemukuru wemauto, VaConstantino Chiwenga, vachiti vaizopindira kana zvinhu zvasvika pakaoma zvichitevera makakatanwa aiva muZanu PF.

Vasungwa vaviri ava, avo vakasungwa pakapindira masoja zvakazoita kuti vaimbova mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vasiye chigaro, vakanyimwa mukana wekubhadhara mari yechibatiso nedare ramejasitiriti iro rakati VaChombo naVaChipanga vaigona kuzokuvadzwa neveruzhinji avo varakati vakatsamwira vaviri ava nemhosva dzavanonzi vakapara.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:53 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG