Accessibility links

Breaking News

Vanotengesa Mari dzeKunze Vofarira Kuuya kwe Bond Notes


Vamwe vavo vanoti vari kupembera nokuti ma bond notes aya anogona kunge akada kufanana nema bearer cheques emakore apfuura ayo aigara akadonha simba zvichiita kuti basa ravo rifambe.

Vanotengesa nekuchinja mari zvisiri pamutemo mumigwagwa vanoti vari kutambira nemufaro hurongwa hwehurumende hwekuda kuunza mari yema bond notes, sezvo izvi zvachavapa mukana wekutengesa mari yekunze kune avo vanenge vachida kunotenga zvinhu kunze kwenyika.

Zvichitevera kushandiswa kwemari yekunze kwakatanga panguva yehurumende yemubatanidzwa, vanoita basa rekutenga nekutengesa mari yekunze vakasara vasisina basa sezvo mari yainge yowanikwa munyika.

Asi nekudzoka kunonzi kwava kuita ma bond notes, vanotengesa mari yekunze pamikoto vanoti vanotambira hurongwa hwehurumende nemufaro.

Vamwe vavo vanoti vari kupembera nokuti ma bond notes aya anogona kunge akada kufanana nema bearer cheques emakore apfuura ayo aigara akadonha simba zvichiita kuti basa ravo rifambe.

Muzvare Alice Gwauya vanochinja mari muna Robert Mugabe pakati pedhorobha.

Muzvare Gwauya vanoti vari kufara zvikuru nechitiko ichi vachiti zvavo zvazoita.

Vamwevo vanoita basa iri vanoti kubva pakauyiswa mari dzekunze muna 2008, kunyanya mari ye ku America, basa ravo ranga radzikira nekuti vanhu vazhinji vange vasisauyi kwavari kuzochinjisa mari

Mumwe anochinjisa mari paChicken Inn muMasvingo, VaAlbert Hashu, vanoti hupenyu hwanga hwavaomera asi vave pedo nekudzoka pakuzodya nema bond notes odzoka aya.

Mumwe wevari kufara nekuuya kwema bond notes, VaTofaneyi Tsobho, vanoti kuuya kwema bond notes kuchawedzera mutengo wekuchinja nawo mari pamusika mutema izvo zvichaita kuti vawane mari yakawanda.

Kunyange hazvo vanochinja mari ava vari kupembera, ruzhinji rwevanhu munyika rwuri kutambira hurongwa hwebhanga guru renyika nekusuwa maringe nekutya kuti mari yemunyika yekare ingangodzoswa nerweseri kuburikidza nema bond notes aya.

Vazhinji vevanhu ava vanoti pavakangonzwa nezvema bond notes, vakabva vaita mudumbu vachitya kudzoka kwema bearer cheques.

Nyanzvi munyaya dzehupfumi dzinoti kuunzwa kwema bond notes kunoreva kuti vanhu vanenge votambiriswa mari dzavo nema bond notes aya, izvo zvinozoita kuti vatadze kuwana mari yekunze zviri nyore munyika.

XS
SM
MD
LG