Accessibility links

Breaking News

Vanhu Vobvumidzwa Kupinza Munyika Pachena Zvinhu Zvine Mutengo we$200 Chete


Vamwe vanonzi vari kupinza munyika zvinhu zvekuzotengesa
Vamwe vanonzi vari kupinza munyika zvinhu zvekuzotengesa

Asi zvinenge zvapfurikidza pamazana maviri emadhora aya zvichizochajwa mutero wezvikamu makumi mana kubva muzana, kana kuti 40%.

Kusamira zvakanaka kwezvinhu munyika munyaya dzezveupfumi kunonzi kuri kupa kuti zvizvarwa zveZimbabwe zvakawanda zvirambe zvichipinza munyika zvekudya nezvimwe zvekushandisa zuva nezuva kubva kunyika dzakaita seSouth Africa neBotswana.

Izvi zvinoitika kunyange hazvo paine mutemo weStatutory Instrument 64, uyo unorambidza kupinzwa kwezvinhu zvine huwandu munyika.

Mutungamiri wesangano revanotenga nekutengesa zvinhu kunze kwenyika, reIntrenational Cross Border Traders Association, VaDenis Juru, vanoti kunyange hazvo paine mutemo uyu, vashandi veZimbabwe Revenue Authority, Zimra, vari pamuganhu weBeitbridge vane zvimwe zvavari kubvumidza kupinzwa munyika.

VaJuru vanoti zvinhu zvinokosha madhora mazana maviri chete pamunhu, ndizvo zvinobvumidzwa kupinda munyika pasina mutero.

Asi zvinenge zvapfurikidza pamazana maviri emadhora aya zvichizochajwa mutero wezvikamu makumi mana kubva muzana, kana kuti 40 %.

Asi VaJuru vanoti zvinhu zvakaita sezvekuvakisa, mabhara nezvimwe zvihombe hazvisi kubvumidzwa munyika pasi pemutemo weSI 64 uyu.

Vanotiwo mitsetse yevanhu vanoda kupinda muZimbabwe pabhodha reBeitbridge, zvikuru kudivi reSouth Africa, hapachina sezvo South Africa yakawedzera vashandi.

Asi vanoti vari kufamba vari kusangana nematambudziko ekukwidzwa kwemari dzekubhadhara kumabhazi, vachiti semuenzaniso, kubva ku Johannesburg kunosvika kuHarare vanhu vari kubhadhariswa mari inosvika marhandi mazana masere.

Hurukuro naVaDenis Juru
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:07 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG