Accessibility links

Vatambi veBhora Votsvaka Mafuro Manyora kuSouth Africa

  • Michael Kariati

Vatambi ve nhabvu vazhinji vemuZimbabwe vomanyira kuSouth Africa kwavanoti kunotambirwa mari zhinji.

Vatambi vakawanda vane mukurumbira munyika vari munzira kuenda kuzvikwata zvekuSouth Africa vachitiza mari shoma shoma yemuhoro iyo vanotambiriswa nezvikwata zvemuno.

Kunyange hazvo nyaya iri kutaurwa nezvayo ndeye kusiya basa kuDynamos kwaChristian Epoupa achienda kuBidvest Wits, mutambi wekuCameroon uyu haasi ega ayevedzwa nemari yemuhoro iyo avimbiswa nezvikwata zvekuSouth Africa.

Mashoko atinawo anoti John Zhuwao weCaps United naGerald Takwara weFC Platinum vari munzira kuenda kuSouth Africa uko vawana basa kuchikwata cheAjax Cape Town icho chaimbotambirwa naKaitano Tembo naWilfred Mugeyi.

Zhuwao anga ari kuSouth Africa kwesvondo rese achitariswa matambiro ake neAjax Cape Town asi Takwara ari kuenda pasina kumboongororwa sezvo chikwata chekuSouth Africa ichi chakafara nematambiro ake apo aive kuSouth Africa mumakwikwi eCosafa Castle Cup.

Mashoko ari kubva mumusha weCaps United anoti Dominic Chungwa naDevon Chafa varamba kunyorerana chibvumirano chekutambira chikwata ichi mwaka unouya zvichinzi izvo vari kumboongorora mamiriro akaita magwaro emabasa avapihwa kuSouth Africa.

Kuenda kuri kuita vatambi ava kuSouth Africa, kwauya makwikwi eCastle Lager Premier Soccer League aine masvondo matatu chete achangopera, pachiita mubvunzo kuti ko pachatanga mitambo yemwaka unouya, vatambi vanenge vabuda munyika vangani.

Maneja wevatambi venhabvu, VaGeorge Deda, vanoti vatambi vari kuenda kuSouth Africa ava vari kutsvaga raramo yakanaka sezvo nhabvu yemuno isingavabhadhare zvakakwana nemhaka yemamiriro ezvehupfumi munyika.

Muongorori wemutambo wenhabvu, VaFarai Kambamura, vanoti nyaya yekubva munyika kwevatambi venhabvu inofanira kugadziriswa nechimbi chimbi sezvo mwaka nemwaka vatambi vari kutiza kuenda kunze kwenyika kunyanya kuSouth Africa.

Chiri kunakidza ndechekuti kunyange zvikwata zvekunana Mozambique, Lesotho, Botswana neTanzania zvave kukwanisa kukwezva vatambi vane mukurumbira vemuno nemari inotodarikwa yavari kupihwa muno.

Vamwe vatambi venhabvu vepasi pasi kune dzimwe nyika vave kushandisawo zvekare nhabvu yemuZimbabwe kuita zita kuti vaendewo kunyika dzinobhadhara mari dziri nani.

Vamwewo ndivo vave kushandisa nhabvu yemuZimbabwe, kutenga vatambi nemari yepasi pasi, vozovatengesa, nemari yakawandisa mhiri kwemakungwa.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG