Accessibility links

Breaking News

FC Platinum Inobuditswa Mumakwikwi eCaf Champions League


FC Platinum
FC Platinum

Chikwata cheFC Platinum chabuda mumakwikwi eCaf Champions League mushure mekurohwa pamusha.

Chikwata cheZimbabwe ichi chatadza kukanda zvibodzwa zvina pasina mudzorero izvo changa chichida kurova Premeiro De Agosto yekuAngola nazvo kuitira kuti chienderere mberi nemakundano aya.

Panzvimbo yekukunda, Kugona Kunenge Kudada yatorohwa 2-1 izvo zvaita kuti ibude mumakundano aya nezvibozwa 5-1 mumitambo miviri.

Aka kave kechipiri FC Platinum ichigumira pamitambo yekutanga mumakundano emuAfrica mushure mekubuda munharaunda yekutanga muna 2015 apo vakakwikwidza muCaf Confederation Cup.

FC Platinum yakaunganidza vatambi vakawandisa kusanganisira vaviri kubva kuCameroon neZambia asi izvi hazvina kuuya neshanduko kubva apo vatambotamba nezvimwe zvikwata zvemuAfrica.

Chikwata chemuZimbabwe ichi chaitarisira kusvika kana kudarika mu mini league stage umo makasvikwa neCaps United gore rapera asi izvi zvakona n'anga murapwa achada.

Iko zvino, FC Platium yave kuisa simba rayo rese kumakundano eCastle Lager Premier Soccer League ayo ari kutanga musi wa 10 Kurume iine chinangwa chekutora mukombe uyu zvekare nekudzoka muAfrica gore rinouya.

Makundano eCaf Champions League anotambwa nezvikwata zvinenge zvatora mukombe weligi munyika dzazvo.

Pari zvino, mukombe uyu uri mumaoko eWydad Casablanca yekuMorocco iyo yakarova Al Ahly yekuEgypy mufainari yegore rapera.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:56 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG