Accessibility links

Breaking News

Zifa Yosangana neMugovera Ichizeya Mashandiro aZdravko Logarusic


Warriors Team Coaches Zdravko Logarusic and Benjani Mwaruwari
Warriors Team Coaches Zdravko Logarusic and Benjani Mwaruwari

Bhodhi reZifa riri kusangana mangwana richizeya remangwana remurairidzi wechikwata chema Warriors, zvichitevera kurudziro yekuti murairidzi uyu adzingwe sezvo ari kutadza kuita basa raakapihwa.

Zifa yaiswa panguva yakaoma nechaunga chinotevera nhabvu kubva kumativi mana ese enyika icho chiri kusheedzera kuti Zdravko Logarusic adzingwe basa sezvo ari kukundikana kuti chikwata chenyika chibudirire mukwikwi enhabvu yemuAfrica.

Izvi zviri kuitika mushure mekunge maWarriors akarohwa 1-0 neEthiopia, mazuva mana vachangobva kutatarika nekuita mangange 0-0 nechikwata cheBafana Bafana chekuSouth Africa icho chaive chakazara vatambi vechidiki.

Vanoona nezvemamiriro ezvikwata zvenyika mubhodhi reZifa, VaBrighton Malandule, vanoti vari kusangana mangwana mangwanani vachizeya kuti kochi mukuru wenhabvu yenyika anokodzera here kuramba ari pabasa kana kuti kwete.

Veruzhinji havasi kufara nemabatirwo ari kuitwa basa na Logarusic uyo akunda mumutambo mumwe chete pamitambo gumi nemina kubvira apinzwa basa.

Aimbotambira Chapungu, Wellington Shangiwa, anoti Logarusic anofanira kudzingwa basa nechimbi chimbi.

Muongorori wemutambo uyu, VaNorman Chirume, vanoti Zifa ngaibatsire nhabvu munyika nekudzinga varairidzi vese vemaWarriors.

Nhengo yeWarriors Friends Club, VaEugene Kuhuni, vanoti dai zvaiita Zifa yasiyana na Logarusic yopa Norman Mapeza basa iri.

Asi murairidzi wevabati vepagedhe, Chenjerai Dube, anoti Zimbabwe isamhanyire kuti Logarusic ngaaende isati yatarisa zviri kukonzeresa kukundikana uku.

Mutori wenhau dzemitambo, Admire Muhimeke, uyo ave kugara kuEngland, anoti semaonero ake, Logarusic aita rombo rakaipa rekusangana nezvimhingamipinyi pese panenge paine mitambo.

Asi mashoko ari kufamba anoti Zifa iri kuda kupa basa iri kuna Benjani Mwaruwari izvo vamwe vari kupikisa vachiti pari zvino Mwaruwari haakodzere kutora basa guru iri.

Mutambo weZimbabwe unotevera uriko musi wa 10 Gumiguru apo maWarriors ari kushanya kuGhana kunosangana nemaBlack Stars mumakundano erwendo rweku 2022 World Cup.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:04 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG