Premier Soccer League yamisa mitambo mishanu iyo yanga ichifanira kutambwa svondo rino nemhaka yechirwere cheCovid 19 chakabata vatambi vezvikwata izvi.
Mukuru wePremier Soccer League, VaKennedy Ndebele, vazivisa kuti mitambo mina chete ndiyo ichatambwa svondo rino zvichitevera kuwanda kwaita vatambi vabatwa vaine chirwere ichi.
VaNdebele vati nezvaitika izvi, vatungamiri vezvikwata zvemuPSL vari kusangana mangwana kuti vaone kuti vogadzirisa sei dambudziko rapinda mumba iri.
Asi mukuru wePSL Medical Committee, Dr Edward Chagonda, vati zvichanetsa kumisa kupararira kwechirwere ichi nekuti vatambi vari kuzopinda muruzhinji vapedza mitambo yavo.
VaNdebele vati mitambo mina, panzvimbo yemipfumbamwe ndiyo iri kutambwa, kusanganisira uyo uri pakati peFC Platinum neBulawayo Chiefs kuLuveve Stadium neSvondo.
Bulawayo Chiefs haisati yakundwa uyezve ine mapoinzi mana yakaenzana neNgezi Plstinum Stars iyo iri kusangana neHerentals muBaobab Stadium mangwana.
Herentals ine mapoinziwo mana zvekuti murairidzi wayo, Kumbirai Mutiwekuziva, anoti chishuwiro chavo kuita zviri nani kudarika zvemwaka uchangodarika.
Mimwe mitambo yabudirira kutambwa iri kusanganisira Chicken Inn neTenax muBarbourfields Stadium mangwana pamwe neHarare City neYadah muNational Sports Stadium neSvondo.
Zvichakadaro, kuchange kuine makuwerere kuRaylton Sports Club mangwana apo vatambi vetsiva vari kurwisana pagungano retsiva rekugumisira gore rino.
Murongi wemitambo yetsiva, VaStalin Mau Mau, vati varonga mitambo minomwe iyo iri kuunganidza shasha dzemutambo uyu munyika.
Vamwe vevatambi vachange vari munhandare vanosanganisira Misheck Kondwane, Anele Bafana, Romeo Chibanda, Jeremiah Mhere, Tinofadzwa Chikerema, Munyaradzi Marumisa, Marshall Shiri, Allen Green, Trymore Musira na Aliah Phiri.
VaMau Mau vati vari kuteedzera nzira dzese dzinodikanwa pakudzivirira kupararira kwechirwere cheCovid 19 apo vari kuita mitambo yetsiva iyi mangwana.
Aya ndiwo makundano echipiri etsiva kuitwa gore rino rese, uye ari ekupedzisira gore rino.
Facebook Forum