Accessibility links

Breaking News

Zifa Inodoma Mapeza Kuva Murairidzi weZimbabwe Squad kweMwedzi Mitatu


FC Platinum head coach Norman Mapeza

Murairidzi ane mukurumbira munyika, Norman Mapeza, ndiye adomwa neZifa kuva munhu achavanobata chigaro chemurairidzi wemaWarriors zvichitevera kudzingwa basa kwakaitwa Zdravko Logarusic.

Mapeza achange achibatsirwa naTaurai Mangwiro weTriangle naMandla Mpofu weHighlanders apo achange achirairidza chikwata chenhabvu chenyika.

Zimbabwe inofanirwa kurwa semvunda munzira yekuenda kumakundano e2022 World Cup.

Maneja waMapeza, VaGibson Mahachi, vanoti Mapeza apihwa basa iri kwemwedzi mitatu inotevera kusvika panopera mitambo yeGroup G ye2022 World Cup.

Mapeza naMangwito vataurirawo Studio 7 kuti vapihwa basa guru iri.

Gwaro rabva kumutauriri weZifa, VaXolisani Gwesela, rinoti Energy Murambadoro uyo aibatira Caps United nemaWarriors apihwawo basa rekuve murairidzi wevabati vepagedhe.

Varairidzi ava vacharamba vari kuzvikwata zvavo sezvo vapihwa mitambo mina chete yasara ye2022 World Cup yemugungano reGroup G iyo ichaitwa panguva dzakasiyana.

Vanokurudzira mitambo mune vechidiki, VaNazzy Moyo, vanoti neruzivo rwake vatambi vemuno, Mapeza ndiye anga achikodzera kupihwa chikwata ichi panguva ino.

Murairidzi wevatambi vepagedhe kuZPC Kariba, Chenjerai Dube, anoti basa iri ranga richida murairidzi wemuno achiti makorokoto kuna Mapeza nevatevedzeri vake.

Asi munyori wezvemitambo, Admire Muhimeke, anoti chikwata haasi murairidzi nevatambi chete asi kuti Zifa inofanira kugadzirisawo mumba mayo.

Mutevedzeri wemurairidzi weHarare City, Fungai Kwashi, anoti Mapeza akasawana mitambo yegadziriro yakasimba, anongokundikana sezvakaitawo Logarusic.

Mutambo wekutanga waMapeza uriko muna Gumiguru apo Zimbabwe iri kusangana neGhana kuGhana kwakare, Ghana yacho ichizouyawo kuZimbabwe mumitambo ye2022 World Cup.

Ghana yakakunda Ethiopia 1-0, asi ikazorohwa neBafana Bafana 1-0 mumutambo wakatambirwa muFNB stadium muJohannesburg.

Pakapedzisira kusangana Ghana neZimbabwe muna 2006 mumakwikwi eAfrica Cup of Nations, Zimbabwe yakarova Ghana 2-1 muPort Said stadium kuEgypt.

Kunze kweGhana neZimbabwe, zvimwe zvikwata zviri mugungano iri iEthiopia neSouth Africa.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:37 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG