Accessibility links

Breaking News

Sunday Chidzambwa Oitwa Murairidzi weChikwata cheZimbabwe Warriors


Sunday Chidzambwa
Sunday Chidzambwa

Zimbabwe Football Association, Zifa, yapa Sunday Chidzambwa basa rekukocha chikwata chema Warriors, achitsiva Norman Mapeza, asi paine mutauro.

Gwaro rabva kumutauriri weZifa, VaXolisani Gwesela, rinoti Chidzambwa apihwa basa iri kwegore rimwe chete paine mukana wekuwedzera makore zvichienderana nekuti chikwata chake chatamba zvakadii.

VaGwesela vanoti Zifa inovimba kuti Chidzambwa achakwanisa kuendesa maWarriors kumakundano e2019 Africa Cup of Nations sezvo asina chinhu chinomukanganisa sekurairidza chimwe chikwata chisiri maWarriors.

Chidzambwa akasiya basa rake semurairidzi weZPC Kariba pakapera mitambo yemwaka uno.

Asi vanotevera mutambo wenhabvu vane mafungiro akasiyana zvikuru pamusoro paChidzambwa.

Mumwe mutsigiri wenhabvu, VaTatenda Makazhu, vanoti Chidzambwa anokodzera kutora basa iri.

Asi muteveri weCaps United, VaInnocent Mutena, vanoti Chidzambwa akambopihwa mukana wake akazviita saka ikozvino yave nguva yevamwewo.

Nhengo yeZimbabwe Fan Club, VaTinashe Mubaira, vanoti Norman Mapeza anofanira kupedza basa raakatanga.

Chidzambwa arikuenderera mberi nepakasiiwa naMapeza uyo akakunda Liberia 3-0 mumutambo wemaWarriors we 2019 Africa Cup of Nations.

Muteveri weBlack Rhinos, VaTapiwa Mahwengwa, vanoti Zimbabwe yave kuda murairidzi anenge Charles Mhlauri uyo akaendesa maWarriors kumaAfrica Cup of Nations zvisina kutamburira.

Chidzambwa ndiye murairidzi wekutanga kuendesa maWarriors kuma Africa Cup of Nations finals mushure mekuita izvi muna 2004.

Asati asvika ipapo, Chidzambwa aive aendesa Dynamos mufainari yeCaf Champions League muna 1998 ndokusvitsa chikwata chimwechetecho muma semi fainari emakundano aya muna 2008.

Chidzambwa ndiye zvekare murairidzi ega kuchamhembe kwe Africa akwanisa kutora mukombe weCosafa Cup kanokwana katatu kusanganisira muna 2017.

Asi vakawanda vanofunga kuti yave nguva yemurairidzi mutsva kuti arairidzewo maWarriors.

Nyaya Ina Michael Kariati
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:06 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG