Sangano re United States Agency for International Development, USAID, rinoti rakagadzirira kusimbaradza rubatsiro kuZimbabwe kunyangwe hazvo masangano anopa chikafu ari kutatarika kuunganidza mari yekubatsira vanhu vemuZimbabwe avo voziya nenzara.
Sangano reWorld Food Program rinotiwo rinoda mari inodarika madhora mamirironi mazana matatu nemakumi mashanu, asi rakwanisa kuunganidza madhora zviuru zana chete.
Hurumende inoti vanhu vanodarika mamiriyoni mana vakatarisana nenzara uye huwandu uhu huri kutarisirwa kukwira sezvo masangano anopa rubatsiro ari kuti goho remwaka uno harina kumira zvakanaka.
Nyanzvi munyaya dzechikafu inoshanda neUSAID, VaThabisani Moyo, vanoti bazi ravo riri mushishi yekutsvaga rubatsiro kuitira kuti ribatsire vasina chikafu, zvikuru vana vadiki.
Hurumende yaBarack Obama inoti kunyange hazvo hukama hwayo husina kumira zvakanaka nehurumende yaVaRobert Mugabe, America ichaita zvose zvainogona mukuona kuti vanhu vemuZimbabwe havafi nenzara.
Chimwe chizvarwa cheZimbabwe chiri muBritain, VaJason Matewu, vari kukurudzira zvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika kuti zvibatsirewo vanhu vanoshupika munyika sezvo nzara yapfunya chisero.
VaMatewu vaunganidza mari yekutenga ma10 kg ehupfu anodarika mazana maviri senzira yekubatsira vanoshupika muBuhera West.