Accessibility links

Breaking News

Chikafu Chotadza Kusvika Kune Vanochida nePamusana peCovid-19


Dzimwe mhengo dzeparamende dzekumaruwa ekuMashonaland West dzinoti chirongwa chekubatsira vanhu vanoshaya chiri kuvhiringwa nedambudziko reCoronavirus iro rakatarisana nenyika.

Mumiriri weMakonde muNational Assembly uye vari nhengo yeZanu PF, VaKindness Paradza, vanoti ruyamuro rwezvekudya rwave kunonoka kusvika mudunhu ravo zvichienzaniswa apo chirwere cheCoronavirus chisati chave munyika.

VaParadza vanoti kushaikwa kwezvekudya kuri kuita kuti varwere vari muzvipatara vaziye nenzara.

Izvi zvatsigirwa nemumiriri weZvimba North, uye vari nhengo yeZanu PF zvakare, Amai Marian Chombo, avo vanoti vave kutoita mudengu mudengu nevamwe vanhu kuti vatengere varwere vari muzvipatara nemakiriniki chikafu sezvo pasina zvekudya zvavari kuwana.

Kunyange hurumende yakati ichayamura nemadhora mazana maviri pamunhu kuti vayamurike panguva ino nyika yakavharwa, mukuru mubazi remadzimai nemabhizinisi madiki mudunhu, VaKenias Rangwani, vanoti ruyamuro rwuchawanikwa nevashoma, sezvo vakanzi vanhu zviuru zviviri nechidimbu ndivo chete vachawana rubatsiro, kunyange hazvo vakanga vanyoresa vanhu zviuru makumi maviri nezvishanu.

Mumwe asingaone, VaTavengwa Kamuchokoto vekuKadoma, avo vairarama nekupemha vanoti nekuda kwekuvharwa kwenyika, hapana kwavari kuwana ruyamuro.

VaKamuchokoto vanoti vakanyoresa kubazi reSocial Welfare, asi kusvika pari zvino, hapana chavati vawana.

Mukuru webazi reSocial Welfare mudunhu reMaahonaland West, Amai Agnes Mutowo, vanoti vakaendesa mazita zviuru gumi nezvina kuti vapihwe mari asi havangazive kuti vapihwa vangani sezvo mari dzeruyamuro dzichiiswa mumafoni evanhu ava.

Zvichakadaro, vanhu vakawanda vari kuramba vachimanikidzana mumitsetse yekutenga hupfu, izvo zviri kuisa hupenyu hwevanhu ava panguva yakaoma.

Nyanzvi munyaya dzehutano dzinoti kana vanhu vasiri kuremekedza physical distancing iri kukurudzirwa, zvichaita kuti vatapurirane chirwere cheCoronavirus.

Zimbabwe yakavharwa kwamazuva makumi maviri nerimwe senzira yekudzivirira kupararira kwechirwere cheCoronavirus, icho chavhiringa pasi rose.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:55 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG