Accessibility links

Breaking News

Amai Auxilia Mnangagwa Vodomwa Mudare seMuridzi weGoridhe Rakasungirwa Muzvare Rushwaya


Amai Auxilia Mnangagwa
Amai Auxilia Mnangagwa

Mudzimai wemutungamiri wenyika, Amai Auxilia Mnangagwa, vanonzi ndivo muridzi wegoridhe rakawanikwa riina Muzvare Henrietta Rushwaya, avo vakasungwa nemusi weChipiri vachiedza kubuda munyika zvisiri pamutemo negoridhe rinorema makirogiramu matanhatu.

Goridhe iri rikatengeswa rinoburitsa mari inodarika mazana matatu nemakumi matanhatu ezviuru zvemadhora ekuAmerica.

Izvi zviri mumagwaro asvitswa mudare nevachuchisi venyaya iyi. Mawaro aya anodomawo mwanakoma wavo, VaCollins Mnangagwa, semumwe wevanhu vane chekuita negoridhe iri, uye vanonzi ndivo vaifanirwa kunge vakaenda negoridhe iri kuDubai.

Izvi zvinonzi zvakataurwa nemumwe wevasungwa, VaGift Karanda, avo vari kupomerwa zvakare mhosva yekunyepa kuti musori.

Vasungwa nenyaya iyi kusvika pari zvino vanosanganisira vasori vaviri, VaStephen Chenjerai Tserayi naVaRaphios Mufandauya, uye mapurisa maviri, Detective Chief Inspector Paul Chimhungu pamwe naSuperintendent Douglas Shoko, uye namuzvinabhizinesi, VaAli Mohamad, avo vanova muridzi wekambani yeAli Japan 786.

Pamusoro pekubatwa vaine goridhe, Muzvare Rushwaya vari kupomerwa zvakare mhosva yekuedza kupa mapurisa mari yevharamuromo mushure mekusungwa kwavakaitwa pamwe neyekuwanikwa vaine goridhe vasina mvumo yekunge vaine goridhe iri.

VaMohamad, VaTserayi, VaKaranda, VaMufandauya, VaShoko naVaChimhungu vamiswawo pamberi pedare neChishanu, uye vakatarisirwa kudzoka kudare neMuvhuro apo vakatarisirwa kusvitsa chikumbiro chekuti vatongwe vachibva kudzimba dzavo.

Vachizivisa zvavanazvo mudare, muchuchisi wenyaya iyi, VaGarudzo Ziyadhuma, vati Muzvare Rushwaya vakaronga naVaMohamad kuti vaburitse goridhe iri vachishandisa rezenisi rekutenga goridhe rekambani yaVaMohamad yemuno vachinosiya goridhe iri kukambani yaVaMohamad iri kuDubai.

VaZiyadhuma vati pakasechwa kuhofisi nekumba kwaVaMohamad kwakawanikwa magwaro akafanana neaiva naMuzvare Rushwaya pavakasungwa.

Asi gweta raVaMohamad raramba, VaTanyanyiwa, vaisa chikumbiro kudare chekuramba kuti VaMohamad vaiswe muhusungwa vachiti VaMohamad munhu anotoshandira kambani iyi saka vanga vasingafanire kuve musungwa asi kuti hurumende yanga ichifanira kuvaunza kudare vakamirira kambani iyi.

VaTanyanyiwa vati nyaya iri kupomerwa VaMohamad inofanira kuraswa sezvo vaive vasipo pakabatwa Muzvare Rushwaya vachida kubuda negoridhe.

Izvi zvinoreva kuti vasungwa ava vachange vari muhusungwa kudzamara chikumbiro chavo chekuti vatongwe vachibva kumba chanzwikwa nedare.

Muzvare Rushwaya vagara vari munhu anokonzeresa mitauro nguva zhinji. Panguva yavaive mukuru weZimbabwe Football Association, Zifa, Muzvare Rushwaya vakapomerwa mhosva yekutengesa mitambo yenhabvu pakati pa2007 na 2009.

Huori muAsiagate hwakasiya vatambi vakawanda vachimiswa kutamba nhabvu pamwe nekudzingwa basa kwaMuzvare Rushwaya uye kumiswa basa kwevamwe vakuru vakuru muZifa.

Mune imwewo nyaya yanga iri mumatare, mumiriri weHarare West muparamende, Muzvare Joanna Mamombe, avo vanoti vakatochwa munaChivabvu vaine dzimwe nhengo mbiri dzeMDC Alliance dzinoti Muzvare Cecelia Chimbiri naMuzvare Netsai Marova vari mumaoko ehurumende, vamiswa pamberi pedare zvakare nhasi mushure mekupihwa masamanisi nehurumende.

Muchuchisi wenyaya iyi, VaMichael Reza, vati Muzvare Mamombe vanofanira kuonekwa nemumwe dhokotera wechitatu kuti vanokodzera here kumira mudare kuti vatongwe mushure mekunge mamwe madhokotera maviri ehurumende akambenge ati Muzvare Mamombe vatange varapwa vasati vamiswa mudare.

Gweta ravo, Advocate Thabani Mpofu, vatsinhira zvaitika mudare.

Nyaya iyi yanzi ichadzoka mudare apo mutongi wedare akatarisirwa kutura mutongo wake pachikumbiro chasvitswa naVaReza ichi.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:46 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG