Accessibility links

Breaking News

Madzimai Anokurudzirwa Kanamatira Nyika neKutsanya kweMazuva Maviri


Amai Auxillia Mnangagwa
Amai Auxillia Mnangagwa

Mudzimai wemutungamiri wenyika, Amai Auxillia Mnangagwa, vari kukurudzira madzimai ari munyika neari kunze kwenyika kuti anamatire nyika, pamwe nekutsanya kwemazuva maviri kuitira kuti nyika ibude mudambudziko rechirwere che Covid-19 chayakatarisana nacho.

Covid-19 iri kupararira zvine mutsindo muZimbabwe ichiuraya vanhu zuva nezuva, sezvairi kuitawo munyika zhinji pasi pose.

Mumasvondo adarika, chirwere ichi chauraya vanhu vakawanda, vanosanganisira vakuru vakuru muhurumende.

Amai Mnangagwa vanoti munamato wemazuva maviri uyu unotanga nhasi, musi weChina, uchipera mangwana, musi weChishanu.

Mumwe mudzimai ari kunze kwenyika, Amai Dorcas Hove, avo vari mudunhu reMaryland muAmerica, vanoti danho raAmai Mnangagwa idanho rakanaka chose uye rinofanirwa kutsigirwa nemadzimai ose.

Asi Amai Hove vaudza Jonga Kandemiiri weStudio 7 kuti ivowo Amai Mnangagwa vanofanirwa kushandisa chinzvimbo chavo kuita zvirongwa zvinobatsira madzimai mukurwisana neCovid-19.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:23 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Zvichakadaro, zvichitevera kushaya kwevaive gurukota rezvekudyidzana nedzimwe nyika, VaSibusiso Moyo, imwe nyanzvi mune zvehutano, Dr Simbiso Ranga, vanoti yave nguva yekuti vanhu veZimbabwe vabatane, pasina zvematongerwo enyika, pasina zvekuti uyu mupfumi kana murombo, vachirwisa dambudziko rechirwere cheCovid-19.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:07 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG