Accessibility links

Breaking News

Amai Mnangagwa Vokurudzirwa Kusaita saAmai Mugabe


Amai Auxillia Mnangagwa nemurume wavo, vaEmmerson Mnangagwa
Amai Auxillia Mnangagwa nemurume wavo, vaEmmerson Mnangagwa

Mudzimai wekutanga munyika, Amai Auxilia Mnangagwa, vari kukurudzirwa neveruzhinji rwe Zimbabwe kuti vasiye zvematongerwe enyika vangomirira kuita basa semudzimai wemutungamiriri wenyika kuti vasazokwesherane nevamwe mubato rinotonga sezvakaita Amai Grace Mugabe.

Vanhu vakawanda vari kutaura mashoko anokurudzira Amai Mnangagwa kuti vasazofarise vachirarama hupenyu hwepamusoro nemari yenyika vanhu vachinonga svosve nemuromo sezvaiita Amai Mugabe, avo vakazodonhedzesa murume wavo pabasa guru munyika.

Nyanzvi mune zvematongerwe enyika, VaTakavafira Zhou, vakurudzira Amai Mnangagwa kuti vabude zvachose mune zvematongerwe enyika , vachitanga nekusiya kuva nhengo yeparamende ku Chirumanzi–Zibagwe.

VaZivanai Muzorodzi, mugari wemuMasvingo, vanowirirana nemashoko aya, uye vanoti Amai Mnangagwa vanofanira kungwarira makuhwa kubva kuvatsigiri vemurume wavo.

Vamwe vanoti Amai Mnangagwa vanofanira kungwarira kuzovarairwa nesimba nemari voda raramo yepamusoro.

VaTevedzerai Muswe vanoti havatarisiri kuti Amai Mnangagwa vachatora ruoko rwaAmai Mugabe avo vaitenga zvishongo zviminwe zvemamirioni, nembatya dzinodhura.

Amai Grace Mugabe vakaita mukurumbira pasi rose wekuenda kunze kwenyika kundotenga zvinhu muzvitoro zvinodhura vachishandisa mari yenyika asi vanhu munyika vachinonga svosve nemuromo.

Veruzhinji vanoti Amai Mnangagwa vanofanira kudzikama uye voita hunhu hwakanaka semudzimai mukuru wenyika anobatanidza vanhu kwete kuzoita pamuromo uye kuita hunhu honoshoresa sehwa Amai Mugabe.

Nyaya Inobva Kuna Gandri Maramba
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:47 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG