Accessibility links

Breaking News

Amai Mnangagwa Vokurudzira Nherera Kudzidziswa Mabasa eMaoko


Amai Auxilia Mnangagwa
Amai Auxilia Mnangagwa

Mudzimai wemutungamiri wenyika, Amai Auxillia Mnangagwa, vakurudzira misha inochengeta nherera kuti idzidzise uye kuendesa vana ava muzvikoro zvinovadzidzisa mabasa emaoko vachiri vadiki.

Amai Mnangagwa vanoti vana ava vanosungirwa kufundiswa mabasa aya sezvo achizovabatsira mune ramangwana ravo.

Amai Mnangagwa vataura mashoko aya pakutambidzwa kwezvekudya uye zvimwe zvibatsiriso kumisha gumi neina inochengeta nherera mudunhu reManicaland.

Amai Mnangagwa vati vana vakadzidziswa mabasa emaoko vachiri vadiki, havazoshupike kana vazoyaruka nekushaya mabasa sezvo vachizokwanisa kuzvishandira voga.

“Ndangariro dzangu dzange dziri dzekuti vana ava vaendeswe kumaVocational Training Centres vachiri vadiki nokuti zvinoitika pavana ava kana vauya kuno kumaChildren's Homes anodzikira paandangariro dzake. Saka tinenge tichida kuti vana ava vawanirwe zvekuita vachiri vadiki kudai,” vadaro Amai Mnangagwa

Vatiwo kana vana vakawanirwa mukana wekuita mabasa emaoko havazoyauri kana vabva zera sezvo vanenge vaine pekutangira.

“Vana ava vanofanirwa kuiswa mumagurupu zvichienderano nemaskills avo kuti vaite,” vadaro Amai Mnangagwa.

“Vana ivava kana vakawana zvekuita sekukoma koma, kana kusona, kana kufuraya mafetikuku, nemabanzi vanozowana chinovabatsira pamberi apo. Nekuti hatifanirwi kuti mwna wese angochovherwa mutown nekuti hamuna chinobudamo futi zvakare.”

Misha inochengeta vana iyi yawana zvekudya zvinokosha zviuru nezviuru zvemadhora zvinosanganisira mafuta, mupunga, machira zvekutambisa kumisha gumi neina yemudunhu reManicaland.

Amai Cecilia Mabvumbe vemusha weFairview Children's Home paOld Mutare Mission vati vafara nerubatsiro rwavapihwa vachiti musha wavo wanga wava parumananzombe.

Vati ivo vari kufara zvakanyanyisa nekuti vange vakanganikwa uye hapana aiziva zvinetswa zvavo.

Sister Dorothy Mtemararo veBonda Mission Children's Home vatiwo vafara nerubatsiro rwavawana vakati zvikuru vanoda kutanga maprojects pamusha wavo kuti vakwanise kuzvimiririra.

“Tiri kufaririsisa nekuti tine ‘a good mother, who is caring’, Mwari avakomborere,” Sister Mtemararo vadaro. “Vana vanofanirwa kukurira pama facility akaita seepamba chaipo kwete zvema dormitory style sezviriko izvi. Isuwo tinenge tichida kuti tiite ma projects zvakanyanya, seehuku, nguruve, mombe paine mvura,” vadaro Sister Mtemararo.

Mukuru wemusha weChitenderano kwaRusape, VaDaniel Samuriwo, vanoti vafarawo nezvavagoverwa, vachiti vaitirwa zvakanaka nekusimudzirwa kwavaitwa naAmai vavarangarirawo panguva yekuoma kwezvinhu.

Gurukota rinomirira dunhu reManicaland, Amai Monica Mtsvangwa, vapembedza Amai Mnangagwa nekushanda kwavo panguva yezororo reKirisimasi negore idzva vachishanyira varwere muzvipatara munyika yose.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:37 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG