Accessibility links

Breaking News

Vashandi Vomakidzwa Kubayiwa Nhomba neMakambani Avanoshandira?


Virus Outbreak Malaysia
Virus Outbreak Malaysia

Makambani omanikidza vashandi vawo kubayiwa nhomba yeCovid-19, vanenge varamba vachimanikidzwa kuenda pazororo vasingabhadharwe kwenguva inotarwa nekambani yavanoshandira ZCTU ichiti zviri kuitwa izvi
zvinotyora kodzero dzemushandi.

Vamwe vashandi vekambani ine zvitoro zvakawanda munyika yeOK Zimbabwe vari kuchema chema kuti vari kumanikidzwa kubayiwa nhomba
yekudzivirira chirwere cheCovid-19.

Vamwe vevashandi ava vanoshandira OK Mart avo vasina kuda kudomwa
nemazita sezvo vachityira mabasa avo, varatidza Studio 7 magwaro
ekumanikidzwa kuenda pazororo kwemazuva anotarwa nekambani iyi
vasingapiwe mari.

Vashandi ava vatiwo vari kuvhundusirwa kuti vachadzingwa mabasa kana
vakaramba vasina kubayiwa. Hatina kukwanisa kutaura nemukuru weOK
Zimbabwe, VaMaxen Karombo.

Asi sachigaro wekomiti inomirira vashandi mukambani iyi, VaWellington
Ncube, vaudza Studio 7 parunhare kuti sekuziva kwavo kambani iyi haizi
kumanikidza vashandi kubayiwa asi iri kuvakurudzira kuti vaite izvi
senzira yekuzvidzivirira pachavo ivo neveruzhinji.

Zviri kuitika mukambani yeOK Zimbabwe izvi zviri kuitikawo mumakambani
akawanda munyika.

Mutungamiri wesangano reZimbabwe Congress of Trade Unions, kana
kuti ZCTU, VaPeter Mutasa, vati zviri kuitwa nemakambani izvi hazvisi pamutemo vachitiwo sangano ravo richakamirira mutongo wedare reHigh Court pachikumbiro chavakakwidza kudare pamusoro penyaya iyi.

Zviri kuitika mumakambani izvi zviri kuitikawo panguva iyo hurumende
iri kumanikidza vashandi vayo kuti vabayiwe nhomba.

Kunyange hazvo hurumende isina mutemo unomanikidza vashandi kana
veruzhinji kuti vabayiwe vakuru vakuru muhurumende kusanganisira
mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vave nenguva vachitaura
mashoko anoonekwa sekumanikidza vanhu kuti vabayiwe.

Mumazuva mashoma apfuura gurukota rezvemutemo, VaZiyambi Ziyambi, vakati vashandi vehurumende vanofanirwa kubaiwa. Vakati izvi hazvisi
zvekumanikidza asi vakati hapana mushandi wehurumende anozobvumidzwa kupinda kumahofisi ebasa kana asina kubaiwa.

Vakambove mutevedzeri wegurukota rezvehutano, Dr Edwin Muguti, vanoti hapana chakaipa pakumanikidza vanhu kuti vabayiwe sezvo chirwere cheCovid-19 chiri kushaisa pasi rose zano pakuti chopedzwa sei.

Vakambove gurukota rehutano panguva yehurumende yemubatanidzwa, uye vari munyori wezvehutano muMDC Alliance,Dr Henry Madzorera, vanoti hapana chikonzero chekumanikidza vanhu kuti vabayiwe nhomba vachiti vanhu munyika vakapiwa dzidziso yakakwana vanobayiwa nhomba pasina kumanikidzwa.

Taedza kubata mutauriri webazi rezvehutano, VaDonald Mujiri, kuti tinzwe
kuti ndezvipi zviri kuitwa nehurumende kudzidzisa veruzhinji pamusoro
pekubaiwa nhomba asi nharembozha yavo yange isingabatike.

Hurumende inoti ine hurongwa hwekubaya vanhu mamiriyoni gumi, kana kuti zvikamu makumi matanhatu kubva muzana zvevanhu vari munyika senzira yekudzvirira kupararira kwechirwere ichi.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:15 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG