Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Yosimudzira Hunyanzvi Hwayo Mukufambiswa kweMashoko


Gurukota rinoona nezvehumhizha mukufambiswa kwemashoko, VaNelson Chamisa, vanoti bazi ravo riri kushanda zvakasimba pamwe nemakambani ari munyika, kuitira kuti Victoria Falls inge ichibatika zvakanaka padandemutande kana kuti paindaneti pachaitwa musangano mukuru we United Nations World Tourism Organization, UNWTO, gore rinouya.

Vachitaura nevatori venhau mu Harare neChipiri, VaChamisa vati bazi ravo riri kushanda zvakasimba kuitira kuti vachashanyira nyika muna Nyamavhuvhu gore rinouya pamusangano we UNWTO vagokwanisa kuenda paindaneti zvisina dambudziko. Vati bazi ravo riri kushanda nemakambani anoisa tsinga dzedandemutande, fibre optics kubva muBulawayo kusvika kumapopoma eVictoria Falls.

VaChamisa vanoti zvirongwa zvekuisa tsinga kune dzimwe nzvimbo munyika zvichambomiswa kuitira kuti tsinga dzinoenda kumapopoma idzi dzitange dzapapera kuiswa musangano weUNWTO usati waitwa.

Vatiwo bazi ravo riri mubishi rekuona kuti mutengo wekushandisa indaneti wadzikiswa sezvo veruzhinji vari kugunu’una kuti mutengo wekuenda padandemutande wakakura zvikuru kana zvichienzaniswa nekune dzimwe nyika.

Vatiwo bazi ravo riri kushanda zvakasimba kuti vari kumaruwa vakwanise kubata indaneti vasinganetseke vari kumaruwa kwakare.

Va Chamisa vazivisawo kuti bazi ravo richapa mikombe neChishanu svondo rino kumakambani pamwe nevanhu vakashanda zvikuru gore rino mukusimudzira nyaya dzehumhizha mukufambiswa kwemashoko munyika.

Kambani yeLiquid Telecom, iyo iri pasi pe Econet Wireless Group, iri kuita basa rekuisa tsinga dze fibre optic muZimbabwe yose. Kambani iyi ine hurongwa hwekuisa tsinga dzakareba makiromita chiuru nemazana mana, zvokuti Zimbabwe ichange yabatanidzwa nenyika dzose pasi rose musangano we UNWTO usati watanga.

Izvi zvichaita kuti mbozhanhare dzisanetse kubata, materevhizheni ashande zvakasimba, uye kufambiswa kwemashoko mutsinga dziri kuiswa pasi kuve nyore.

Kambani iyi iri kushanda zvakare iri mudunhu rekuchamhembe kweAfrica, uye yawaridza tsinga idzi dzinodarika zviuru zvisere nemazana mashanu emakiromita mudunhu rekuchamhembe kweAfrica.

Nyaya Ina Thomas Chiripasi
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:41 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG