Accessibility links

Breaking News

Vasungwa Vari kuChikurubi Female Prison Voyaura neNzara


Omunye walabo abagwethiweyo uNkosikazi Yvonne Musarurwa.
Omunye walabo abagwethiweyo uNkosikazi Yvonne Musarurwa.

Vasungwa vechidzimai vari kuChikurubi Female Prison vanoti hutano hwavo huri panjodzi sezvo vasiri kuwana zvekudya zvinovaka muviri.

Vanoonawo nezveutano kujeri iri vanotiwo vane zvikwereti zvakakura zvikuru kuzvipatara zvinorapwa vasungwa.

Pashanyirwa nzvimbo yeChikurubi Female Prison iyi nekomiti yeparamende inoona nezvevanhukadzi, pajeri iri panga pakacheneswa zvikuru kusiyana nemamwe mazuva.

Kunyange hazvo panga pakachena, zvanga zvichibuda pachena kuti pane zvimwe zvisina kumira zvakanaka kusanganisira pombi dzemvura muzvimbuzi zvemujeri zvanga zvisingashandi, mvura yacho kwanga kusina uye mapoto anobikirwa vanhu vakawanda mumba yekubikira, anga asingashandi, vamwe vevasungwa vachibikira panze nemapoto madiki ayo anoda kubikwa akawanda.

Vasungwa vasangana nenhengo dzeparamende vati dai hurumende yabatsira vasunga nezvekudya zvakasiyasiyana. Vasungwa ava vati vakapedzisira kuwana nyama neshuga muna Zvita gore rapera.

Mumwe wevasungwa ava, ndiYvonne Musarurwa nhengo yebato yeMDC-T yakatongerwa kugara mujeri kwemakore makumi maviri.

Musarurwa anoti akawanawo zvekudya zvinovaka miviri zvinoita kuti arerukirwe.

Angela Chipiti ndemumwewo ari kupika jeri paChikurubi. Chipiti ane mwana ane gore nemwedzi mishanu. Chipiti ashorawo zvekudya zvavari kupiwa akati zvinonzwisa tsitsi ndezvekuti vana vasina mhosva dzavakapara, vanongodyawo panodya vana mai vavo.

Chipatara chepajeri iri hachinawo mishonga yakakosha yekubatsira vanorwara.

Mumwe mukoti wepachipatara apa, Amai Dudzirai Dziva, vati kirinika yavo yakaratisana nematambudziko akawanda.

Kunyange hazvo varwere vanenge vachida kugara muzvipatara vachiendeswa kuzvipatara zvekunze kwejeri,mukuru anoona nezvehutano paChikurubi Maximum Prison, VaEvidence Gaka, vaudzawo nhengo dzeparamende kuti hutano hwevasungwa huri parumananzombe.

VaGaka vati chipatara cheParirenyatwa chakavanyorera kuti vanenge vasingachagamuchiri varwere vekujeri kutanga mwedzi waKubvumbi sezvo Zimbabwe Prisons and Correctional Services, ZPCS, iine chikwereti chechipatara ichi chikuru.

Mashoko ari kubuda anoti ZPCS ine chikwereti chemamiriyoni matatu emadhora kuzvipatara zviri munyika.

Mubhajeti regore rino 2017, ZPCS yakapihwa mari inoita mazana mashanu ezviuru zvemadhora, asi iyo yakanga yakumbira mamiriyoni matatu ane chidimbu chemadhora semari yekubhadhara zvipatara zvinenge zvichirapa varwere.

VaGaka vatendawo kuti kusawana zvekudya zvakakwana huye zvinovaka miviri zviri kubata hutano hwevanhu.

Vasungwa ava vagunun’unawo nekupiwa mitongo yakareba, vakatiwo vari kugariswa kujeri uku kwenguva ndefu nyaya dzavo dzisati dzatongwa sezvo mapurisa anenge achiri kuongorora nyaya dzavo.

Vasungwa vazhinji vataura vanga vachida kuchema nekurwadziwa, uye vati vanobva kunyika dzakadai seDRC, Burundi neZambia. Vasungwa ava vatiwo vari kufa nenzara sezvo vasingadyi zvinobikwa kujeri uku zvakaita sesadza uye havanawo hama dzinokwanisa kuvashanyira nekuvabatsira nezvekudya.

Mukuru weChikurubi Female Prison, Amai Mary Chikarakara Misihairambwi, vati kunyange hazvo madzimai ane zvekushandisa zvakakwana panguva yekuteera, jeri iri harina ma tissue, uye vanoshuvirawo kuwana mibhedha nemamwe maunifomu avasungwa.

Nhengo yeNational Assembly, Amai Sabhina Mangwende, ndivo vanga vakasanobata chinzvimbochasachigaro wekomiti iyi.

Amai Mangwende vati vachagara pasi vozeya matambudziko ari kusanganwa nawo nevasungwa vari kuChikurubi vozosvitsa zvavaona kuhurumende kuitira kuti patorwe matanho.

please wait

No media source currently available

0:00 0:07:08 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG