Accessibility links

Breaking News

FC Platinum Yokurudzirwa Kusunga Dzisimbe Mumakwikwi eCaf Champions


Chikwata cheFC Platinum
Chikwata cheFC Platinum

Vateveri vemutambo wenhabvu munyika vanoti FC Platinum haina chekuvhunduka muCaf Champions League kunyange hazvo yaiswa mugungano rimwe chete nezvikwata zvine nhoroondo yekukwikwidza zvine mutsindo.

Kunyange hazvo chikwata ichi chaiswa mugungano rimwe chete neAl Ahly yekuEgypt, iyo yakatora mukombe uyu kanomwe ne Etoile du Sahel, iyo yakambotora Caf Champions League kamwe chete, vateveri vemutambo wenhabvu vanoti chikwata chemuZimbabwe ichi chinokwanisa kubudirira mugungano reGroup B iri kana chikasatya uyezve chikaramba kudheererwa.

Chimwe chikwata chiri mugungano reGroup B iri, iAl Hilal yekuSudan, iyo ine nhoroondo-wo yekukwikwidza zvakasimba mumakwikwi aya.

Zvikwata zviviri kubva mugungano iri ndizvo zvinoenderera mberi nemakwikwi aya muma kota fainari zvekuti vakawanda vanotevera nhabvu muAfrica vanofunga kuti Ah Ahly neEtoile du Sahel ndidzo dzichabuda mugungano iri.

FC Platinum iri kutanga mutambo wayo neAl-Hilal musi wa 29 Mbudzi.

Asi muongorori wemutambo wenhabvu, VaObert Masvotore, vanoti FC Platnum haifanire kutya sezvo zvikwata zvairi kusangana nazvo zvakaita mukurumbira kare chasara chete sekutaura kwaVaMasvotore ari mazita.

Muteveri wechikwata cheDynamos, VaPhilemon Mchisi, vanoti FC Platinum haifanire kupa zvikwata zvairi kusangana nezvo ruremekedzo rwakanyanysa sezvo kusvika mumagungano kunoratidza kuti inokanisa kukwikwidza zvakafanana.

Mumwe muteveri wemutambo wenhabvu muZimbabwe, VaLloyd Sande, vanoti FC Platinum inofanira kuwedzera mwando kunyanya apo painenge ichitamba pamusha kana ichida kubudirira mumakwikwi aya.

Pamitambo mitatu pamusha yemumakundano e 2018 Caf Champions League, FC Platinum yakarohwa mumitamno miviri neEsperance pamwe neHoroya ikaita mangange mumutambo mumwechete neOrlando Pirates.

Chikwata chemuZimbabwe ichi chiri kutarisira kuita zviri nani pane zvachakaita gore rapera apo chakapedza chiri pasi pasi mugungano ravo.

Asi FC Platinum iri kupinda pachinhanho ichi mushure mekupesana nemurairidzi wayo wemakore, Norman Mapeza, uyo akasiya basa achieda kuChippa United yekuSouth Africa.

Pari zvino, FC Platinum iri kurairidzwa naLizwe Sweswe.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:19 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG