Accessibility links

Breaking News

FC Platinum Yotanga Makwikwi eCaf Championship neMugovera kuCongo


Chikwata chiri kusimudza mureza weZimbabwe, cheFC Platinum, chapinda munzira isina kunyanya kuoma mumakwikwi e2018/2019 Caf Champions League.

FC Platinum, iyo inozivikanwa nevatsigiri vayo se’Kugona Kunenge Kudada’, yakananga kuCongo kunosangana neOtoyo de Oyo iyo isina mukurumbira wakanyanya mumakwikwi enhabvu yemuAfrica.

Mumubatanidzwa wezvikwata weCaf Champions League, FC Platinum iri kufanira kutanga iri kunze kwemusha svondo rino neMugovera mumutambo uyo inofanira kukunda kana kuita mangange yakatarisana nemumwe mutambo pamusha musi wa 22 Zvita.

Mukutanga kwegore rino, FC Platinum yakatadza kusvika mu mini league stage yeCaf Champions League mushure mekudamburwa pamusha nekunze nePrimeiro de Agosto yekuAngola.

Asi kune vamwe vakaita saVa Savious Shumba vanofunga kuti FC Platinum inokunda ikozvino vachiwedzera ivo kuti nhoroondo haina chainobatsira mumutambo wenhabvu.

Murairidzi weFC Platinum, Norman Mapeza, ari kutarisirawo kuti mwaka uno vanokwanisa kukohwa zvine mongo mukutamba kwavo muAfrica umo.

Mapeza nevatambi vake vari kutarisira kuramba vari mumhemberero mushure mekunge Rodwell Chinyengetere akatambidzwa mukombe weSoccer Star of the Year, Mapeza wacho achidomwa kuve Coach of the Year.

Asi FC Platinum inofanira kungwarira Otoyo de Oyo iyo yakabuditsa Primeiro de Agosto mumakundano e 2018/2019 nezvibodzwa zvekunze kwemusha.

FC Platinum iri kutarisira kutevera mutsoka dzeDynamos, Monomotapa, neCaps United kubudirira kusvika mu mini league stage umo mune mari yakawanda.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:33 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG