Accessibility links

Breaking News

FC Platinum Yokweshana neOrlando Pirates neMugovera muBarbourfields


Orlando Stadium, Soweto

Vateveri venhabvu muZimbabwe vari kutarisira mufaro mukuru apo chikwata chiri kumiririra nyika muCaf Champions League FC Platinum iri kutamba ne Orlando Pirates yekuSouth Africa muBabourfields Stadium neMugovera.

Hapana chiri kutarisirwa nevatsigiri vePure Platinum Play pamwe nevese vanotevera nhabvu munyika kunze kwekukunda nekutora mapoinzi ese matatu zvekuti svondo rese nyaya yanga iri yekushanya kweOrlando Pirates iyo inoteverwa nechaunga chinotyisa munyika mayo.

Mutambo uyu uri kutambirwa kuBarbourfields Stadium panzvimbo yeMandava Stadium mushure mekunge veConfederation of African Football vati Mandava Stadium haina pekugara panokodzera pevatori venhau.

Asi muteveri weFC Platinum, Muzvare Sithembeni Muwashu, vanoti chero vari kutambira muZimbabwe chete vari pamusha zvekuti havasi kuona Orlando Pirates ichimira pamutambo uyu.

Vatambi gumi veFC Platinum vakambotambira zvikwata zvemuBulawayo zvekuti vanoziva nhandare iyi seri neseri.

FC Platinum iri kuziva kukosha kwekukunda mumutambo wayo wekutanga wemugungano iri zvekuti yaive yatove muBulawayo neChipiri ichigadzirira.

Pirates yatamba mitambo mitatu yakateverana ichikunda muAbsa Premiership uyezve iri pachinhanho chechipiri mumakundano aya asi muteveri weDynamos, VaOliver Musongoro, vanoti hapana chekutya kuchikwata chekuSouth Africa ichi.

VaMusongoro vanoti pamusha mapoinzi ese matatu atove mubhegi rePure Platinum Play.

Mutambi ari kushura mare kuPirates ndewemuZimbabwe, Kudakwashe Mahachi, uyo ari kukanda zvibodzwa pamadiro.

Munyori wemutambo wenhabvu, Tawanda Tafirenyika, anoti anga achitevera matambiro ePirates zvekuti anofunga kuti Platinum ikamisa Mahachi, inokunda mumutambo uyu.

Asi Platunum ine vatambi vakaita sa William Sitima, Kelvin Moyo, Lawrence Mhlanga na Raphael Muduviwa, avo vanokwanisa kuita kuti MahachI asatambe sezvaanoita mazuva ese.

Mukutsvaga zvibodzwa Pure Platinum Play inenge yakatarisira kuna Gift Bweti na Edwin Madhananga avo vane nhoroondo yakasimba mukuita izvi.

Mutauriri weFC Platinum, Muzvare Chido Chizondo, vati chikwata chavo chine nhomba yekuda kukunda mumutambo uyu.

FC Platinum ndiyo yega iri kumirira nyika mumakwikwi emuAfrica.

Veruzhinji munyika vari kutarisira kuti Kugona Kunenge Kudada ichavakanda mumhemberero pachapera mutambo uyu mangwana.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:45 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG