Accessibility links

Breaking News

Kukundwa kweF.C. Platinum Kwopa Mutauro muZimbabwe


Kubuda nechimbi chimbi kweFC Platinum mumakundano eCaf Champions League kwasimudza mibvunzo yakawanda nezvenhabvu yemuZimbabwe.

Kunyange hazvo vachiri nemitambo miviri yasara mumakwikwi aya, FC Platinum haichakwanisa kubata Esperance iyo yave nemapoinzi masere, uyezve havachakwanise kudarika Horoya Athletic Club iyo ine mapoinzi manomwe. sezvo vakarohwa pamba nekunze neHoroya izvo zvinotanga kutariswa kana zvikwata izvi zvikapedza mitambo zvakaenzana pamapoinzi.

Pari zvino, FC Platinum ine poindi imwechete chete kubva mumitambo mina zvekuti vave kungotamba kuti vapedzese mitambo yavo yasara kuti vakwanise kuwana chiremerera semaonero emumwe muteveri wemutambo uyu va Spencer Mushambadope.

VaMushambadope vanoti pamitambo yasara yacho hapana chinobuda zvekare.

Gore rapera, chikwata chimwechetecho chakabuditswa munharaunda yekutanga nePrimeiro deAgosto yekuAngola mushure mekurohwa pamba nekuLunda zvekare.

Muna 2017, Caps United yakasvika mu mini league stage yemakundano aya asi ikatadza kusvika muma kota fainari mushure mekurohwa zvisina kufadza veruzhinji 4-2 pamusha neAl Ahli Tripoli yekuLibya.

Gore rimwechetero, Ngezi Platinum Stars iyo yaive yakamirira Zimbabwe muCaf Confederation yakakandwa kunze kwemakwikwi aya munharaunda yekutanga apo vakarohwa neLibolo yekuAngola.

Muna 2016 Harare City iyo yaive mumakwikwi mamwechewo yakabuditswa munharaunda yekutanga neZanaco yekuZambia mushure mekurohwa 2-1 MuRufaro Stadium ndokuzonopedziswa 3-1 kuZambia.

Izvi zvirikuratidza kuti zvikwata zvemuno zvave kukundikana kumira mira nezvimwe zvikwata zvemuAfrica sezvaimboitika makore ekare apo Dynamos yaikwikwidza zvine mutsindo nekusvika mufainari yeCaf Champions League muna 1998 nemuma semi fainari muna 2008.

Chirikunyanyorwadza ikozvindo ndechekuti FC Platinum ine poindi imwechete chete mumitambo mina, haisati yanwisa kana chibodzwa chimwechete, pamusoro pezvo, yakakandwa zvibodzwa zvitanhatu mumitambo mina.

Mubvunzo ndewekuti, kana chikwata chirikurova zvikwata zvese pamadiro muZimbabwe chichitatarika zvakadai muAfrica, zvinorevei nezvenhabvu yemunyika?

Muteveri wechikwata cheCaps United vaTinashe Musebi vanoti nhabvu yadzikira zvinotyisa zvekuti panoda kugadziriswa zvakawanda, zvikwata zvemuZimbabwe zvasati zvawira pasi pasi pekutodarikwa nana Lesotho, Botswana, neSwaziland.

Muongorori wemutambo uyu vaFarai Kambamura vanoti zvikwata zvemuZimbabwe zvirikundikana pazvinotamba muAfrica nekuti vatambi vanenge vakavabatsira kutora mukombe weligi muZimbabwe varikuenda kunedzimwe nyika kunyanya kuSouth Africa panguva iyo vanenge vave kukwikwidza muAfrica.

Gore rapera, FC Platinum yakarasikirwa naGerald Takwara, Elvis Chipezeze naTalent Chawapihwa, gore rino ikarasikirwa na Rodwell Chinyengetere uyo akatora mukombe we soccer star of the year uyo akaenda kuBaroka.

Asi VaJohn Chikochi avo vaitungamira chikwata cheLengthens muPremier Soccer League vanoti Zimbabwe inofanira kuwedzera makundano enhabvu munyika kuti zvikwata zvikwanise kutambirisa vatambi mari inoita kuti vasatizire kuSouth Africa nekuZambia.

Parizvino, Zimbabwe ine makundano maviri chete, Castle Lager Premier Soccer League neChibuku Super Cup. Mukombe weZifa Cup wakapedzisira kutambwa muna 2005.

Mumwe muteveri wemutambo wenhabvu vaMusa Masepe vanoti Zimbabwe haisina tarenda renhabvu sezvo vatambi vave kusarudza kuita zvekuimba kana zvimwewo sezvo mari yemuhoro mumutambo wenhabvu isisakwanise kuva kwezva.

Zvikaramba zvakadai, zvichatora nguva kuti zvikwata zvemuno zvikwanise kukwidzana zvakasimba nezvimwe zvikwata zvemuAfrica.

please wait

No media source currently available

0:00 0:06:39 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG