Varimi vakawanda vanoti kuwandisa kwemvura iri kunaya munyika yose kuchaderedza goho ravo mwaka uno sezvo vave kuda fotireza yakawanda yavasingakwanise kutenga nekuda kwekudhura.
Varimi ava vanoti pamusoro pekukukurwa kwefotireza yavanenge vaisa, mvura iyi iri kuvatadzisa kusakurawo. Vanoti kunyange murimi akaisa mishonga yekuuraya sora haushande nekuda kwemvura yawandisa.
Mumwe murimi wekuMutorashanga, VaAntony Zunzanyika, vanoti mvura iri kuvatadzisa kuisa fotireza zvekuti chibage chavo chatsukuruka.
VaZunzanyika vanoti rimwe dambudziko rave kukonzerwa nekuwanda kwemvura kuwanda kwesora muminda iro rinodyawo fotireza shoma inenge yaiswa nemurimi.
Mumwe murimi wefodya kuMhangura, VaInnocent Gwenya, vanoti mvura yakawanda iri kukonzera kuti fodya yavo iyite makonye sezvo vari kuti vakafirita, mvura yobva yanaya mushonga usati washanda.
Sachigaro werimwe sangano revarimi reZimbabwe Intergrated Commercial Farmers Union, Amai Mayiwepi Jiti, vanoti mvura iri kunaya kamwe chete munguva pfupi zviri kukonzera kukukurwa kwevhu muminda.
Amai Jiti vanoti mvura ikawandisa zvinoreva kuwedzera mafotireza zvichikonzera kukwira kwezvekurimisa.
Amai Jiti vanoti kuwandawo kwemvura kunoita kuti fodya ikurumidze kuibva nguva imwechete zvinozoita kuti varimi vasina mipanda yakakura yekuomesa fodya yavo, varasikirwe nefodya yavo iri muminda.
Nyanzvi dzinotiwo varimi vanofanirwa kubhadhara maishuwarenzi (insurance) kuitira kuti zvivabatsire kana vachinge vawirwa nedambudziko rinoparadza zvirimwa zvavo.
Saga refotireza rinorema makirigiramu makumi mashanu rinotengwa nemadhora makumi matatu kusvika pamadhora makumi mana ekuAmerica.
Facebook Forum