Accessibility links

Breaking News

Varimi Vanoti Hurumende Haifanirwi Kutara Mitengo yeZvirimwa


A Malawian subsistence farmer surveys communal maize fields in Dowa near the capital Lilongwe, Feb. 3, 2016.
A Malawian subsistence farmer surveys communal maize fields in Dowa near the capital Lilongwe, Feb. 3, 2016.

Sangano rinomirira varimi reZimbabwe Farmers Union riri kukurudzira hurumende kuti isatare mitengo yezvirimwa zvavo mwaka uno ichiti varimi ndivo vanofanira kuzvitarira mitengo yezvirimwa zvavo.

Mukuru wesangano reZimbabwe Farmers Union, kana kuti ZFU, VaPaul Zakariya, vanoti varimi vachashandisa mari yakawanda mwaka uno nepamusana kwekukwira zvakanyanya kwakaita mitengo yezvinhu zvavanoshandisa mukurima zvakaita sembeu, fetereza pamwe nemishonga yesora neinodzivirira zvirwere pambesa dzavo.

Nokudaro, VaZakariya vanoti hurumende ikaenderera mberi nekutara mitengo yezvirimwa varimi vanogona kurasikirwa nemari yakawanda sezvo hurumende ichiwanzotara mitengo iri pasi nguva dzose.

VaZakariya vanoti varimi vanofanirwa kusiiwa vachitara mitengo yezvirimwa nekuti ndivo vanoziva mari yavanenge vakashandisa. Hurumende ndiyo inotara pazvirimwa zvizhinji zvinosanganisira chibage, donje, gorosi pamwe nebhinzi.

Munyori anoona nezvekurima muMDC, VaValentine Ziswa, avo vanorimawo vari kuHeadlands mudunhu reManicaland, vanotiwo kurima kunofanirwa kutorwa sebhizimusi zvekuti varimi vanofanira kusiiwa vachitara mitengo yavo voga kwete kuudzwa zvekuita nehurumende pazvirimwa zvavo.

VaZakariya vanoti hurumende inofanira kugadzirisa kusamira zvakanaka kwehupfumi hwenyika kuitira kuti vaite basa ravo vasingatemeswe musoro nenyaya yemitengo.

VaZiswa vanotiwo rimwe dambudziko ravakatarisanawo naro sevarimi nderekuti havasi kukwanisa kuwana zvikwereti kumabhanga sezvo varimi vazhinji vasina tsamba dzinoratidza kuti ndivo varidzi vemapurazi kana kuti ma title deeds.

Pamusoro pekudhura kuri kuita zvinhu zvavanoda mukurima, VaZiswa vanotiwo varimi vazhinji havasi kuwana mbeu nefetereza paine nguva zvavanoti zvichaita kuti goho remwaka uno ridzikire zvakanyanya.

Gurukota rinoona nezvekurima, VaPerrance Shiri, vaudza Studio 7 parunhare kuti vachaedza kugara pasi nevemasangano anomirira varimi kuti vatsvage nzira dzekugadzirisa matambudziko avari kusangana nawo.

VaShiri vati hurumende inokoshesa varimi zvikuru sezvo vari Ivo vakabata hupfumi hwenyika.

Zimbabwe yaizivikanwa zvikuru munyaya dzekurima zvekuti nyika dzekuchamhembe kweAfrica dzaipona nechikafu chaibva muZimbabwe.

Asi pakatanga chirongwa chekubvuta mapurisa evachena pasina muripo pasi pehutongi hwevaimbove mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, goho renyika rakatangawo kudzikira zvakanyanya zvokuti Zimbabwe yava kupona nerubatsiro munyaya dzechikafu sezvo nyika iri kutadza kurima zvinoikwanira.

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:57 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG