Accessibility links

Breaking News

Varimi Vanoti Kushaikwa kweMafuta eDhiziri Kwvatadzisa Kuita Basa Zvakanaka


Varimi vanoti nyika yakatarisana nenzara sezvo vasiri kukwanisa kuita basa ravo nemazvo kuburukidza nekushayikwa kwedhiziri pamwe nekudhura kuri kuita mbeu nefetereza.

Asi hurumende inoti iri kuedza zvose zvainogona kuti varimi vakwanise kuwana zvese zvavanoda mukuita basa ravo.

Varimi vakawanda vanoti vari kutadza kuita basa ravo zvakanaka kubudikidza nekushayikwa kwedhiziri rinoshandiswa nematarakita pakurima minda yavo pamwe nekudhura kuri kuita mbeu nefetereza.

Mumwe wevarimi ava, VaTedious Mamombe, avo vane purazi riri kuGoromonzi, vanoti kunyange hazvo mvura yave nemasvondo maviri ichinaya, havasati vave nehurongwa hwekuti basa ravo vacharifambisa sei muminda yavo sezvo vasina mari yekunze iri kudiwa nevezvitoro zvinotengesa mbeu nefetereza.

Izvi zvinotsinhirwa nemukuru wesangano revarimi reZimbabwe Farmers Union, VaPaul Zakariya.

VaZakariya vanoti goho remwaka uno richange riri pasi zvakanyanya sezvo varimi vazhinji munyika vasina mafuta ekurimisa akakwana, mbeu pamwe nefetereza.

Murimi wekuManicaland uye vari zvakare munyori anoona nezvekurima muMDC inotungamirwa naVaNeslon Chamisa, VaValentine Ziswa, vanotiwo ichokwadi kuti zxvinhu hazvina kumira zvakanaka.

VaZakariya vanoti chimwe chichaderedza goho remwaka uno makonye ari kudya chibage munzvimbo dzakakwanda zvikurusei kuChipinge pamwe nekushanduka kuri kuita mamiriro ekunze.

VaZiswa vanoti hurumende haisi kubata zvine hudzamu nyaya yekurima sezvo vachiti vakapihwa minda havasi kupihwa zvekushandisa zvakakwana.

Vanotiwo chirongwa cheCommand Agriculture hachina kwachiri kuenda pakatariswa kuvharwa kuri kuda kuitwa imwe yemakambani aibatsira hurumende nemari yechirongwa ichi yeSakunda Holdings.

VaZakariya vari kukurudzira hurumende kuti igadzirise zvinhu munyaya dzezvehupfumi kuitira kuti varimi vakwanise kuita basa ravo pasina zvimhingamupinyi.

Hatina kukwanisa kutaura negurukota rezvekurima, VaPerrence Shiri, kuti tinzwe hurongwa hwebazi ravo hwekugadzirisa matambudziko ari kusangana nevarimi.

Asi mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vakati hurumende ichaedza kugadzirisa dambudziko rekushayikwa kwedhiziri nepeturu mukupera kwemwedzi uno uye vachagara pasi nevemabhizmusi kuti vaderedze mitengo yezvinhu.

Kudzamara hurumende yagadzirisa dambudziko rekushayikwa kwemafuta edzimotokari pamwe nekudhura kuri kuita mbeu, fetereza nemishonga yesora pamwe neinoshandiswa nevarimi kudzivirira zvirwere kumbesa dzavo, varimi vacharamba vachingochema zvichazoita kuti matura enyika aserere munguva pfupi iri kutevera.

please wait

No media source currently available

0:00 0:08:41 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG