Accessibility links

Breaking News

Varimi Vonyunyuta neMutengo Mutsva weChibage


ZIMBABWE/
ZIMBABWE/

Varimi vakawanda vari kuramba kutambira mutengo mutsva wechibage wakatarwa nehurumende unonzi ndiwo uchatengwa nawo chibage mwaka uno, vachiti mari itsva iyi haikwanise kudzosa zvikwanisiro zvinenge zvashandiswa nemurimi pakuti aburitse tani rechibage.

Hurumende neChitatu yakazivisa kuti yakwidza mutengo wekutenga nawo chibage kubva pamadhora zviuru zvina, kuenda pamadhora zviuru zvitanhatu nemazana mapfumbamwe nemakumi mashanu nemasere patani.

Mbeu diki dzakaita sezviyo nemhunga dzinonzi dzave kutengwa nemadhora zviuru zvinomwe nemazana maviri nemakumi matanhatu.

Mutewedzeri wemutungamiri werimwe sangano rinomirira varimi, reZimbabwe Commercial Farmers Union, Amai Maiwepi Jiti, vanoti mutengo uyu uchaita kuti varimi vakawanda vasadzokere mumunda gore rinouya, uye vazhinji vachaendesa chibage chavo pamusika mutema, apo pari kutengwa nemari yekunze.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:00 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG