Accessibility links

Breaking News

Vanotengesa Mumigwagwa Voramba Vachiita Basa Ravo Vasina Kuzvidzivirira


Vendors captured Wednesday after they were evicted from the Harare central business district.
Vendors captured Wednesday after they were evicted from the Harare central business district.

Vamwe varimi nevatengesi vemumugwagwa vari kuenderera mberi vachitengesa zvinhu zvavo kumativi emugwagwa mukuru weHarare-Gweru kunyange hazvo hurumende yakadzika mutemo wekuti vanhu vagare mudzimba dzavo kwemazuva makumi maviri nerimwe, senzira yekudzivirira kupararira kwechirwere cheCoronavirus.

Chirwere ichi chabata vanhu gumi nevatatu, uye kuuraya vanhu vatatu muZimbabwe.

Studio7 yaona vanhu vakawanda vanga vachitengesa zvinhu zvavo mumugwagwa uyu kuvanhu vanga vachipfuura nedzimotokari.

Asi vatengesi ava vanga vasina kuzvidzirira kuburikidza nekupfeka magirovhosi mumaoko avo pamwe nekuisa ma mask kumeso kwavo, kuitira kuti vasabatwe kana kutapurira vamwe chirwere cheCornavirus.

Izvi zvinogona kupinza vanhu vakawanda munjodzi yekubata chirwere ichi, icho chauraya vanhu vanodarika zviuru zana nezvitatu pasi rose, uye kubata vanhu vanodarika miroyoni imwe chete nemazana manomwe ezviuru pasi rose.

Mumwe murimi akangoda kuzivikanwa nezita rekuti Charles, uyo anga achitengesa kunze kweguta reChegutu, audza Studio7 kuti kunyange hazvo nyika yakavharwa, havagoni kuchengeta zvirimwa zvavo kwemazuva makumi maviri nerimwe akatarwa.

Murimi uyu ati acharamba achitengesa madomasi, mazai pamwe nebhinzi kuitira kuti zvisaore pasina azvitenga.

Mumwe anga achitengesa magaka, VaTinotenda Ndou, vaudza Studio 7 kuti havaoni pane dambudziko pakutengesa kwavo sezvo vanhu vanenge vari vashoma panzvimbo yavanenge vachitengesera.

VaNdou vatiwo kunyange hazvo vachinzwa kutya nebasa ravari kuita panguva ino yechirwere cheCovid-19, vati hapana zvekuita sezvo vachirarama nekutengesa zvinhu mumigwagwa.

Asi vatiwo vari kutora matanho akasiyana siyana mukuedza kudzivirira kupararira kwechirwere cheCovid-19 ichi pavanenge vachitengesa kusanganisira kusabatana maoko nevatengi uye kugara vachishandisa mushonga wekuchenesa maoko avo nguva dzose.

Asi VaNdou vabvuma kuti vanogona kubatirira chirwere ichi pamari yavanopihwa nevatengi sezvo vachingotengesa zvirimwa zvavo nemari yemusvo, uye vasina kupfeka magirovhosi.

Mumwe anga achitengesera kunze kweguta reGweru audza Studio7 kuti kunyange achiziva kuti kutengesa uku kunomuisa panjodzi, ati ari kuenderera mberi nebasa rake kuti awane cheuviri.

Studio7 yaongorora ikaona kuti mapurisa nemasoja ari kutenderera mumaguta pamwe nekuongorora vanofamba pakupinda nekubuda mumaguta asi mushure mekubuda mumaguta hakuna vari kuongorora.

Mutauriri wemapurisa, VaPaul Nyathi, vaudza Studio7 parunhare kuti mapurisa achange achiongorora kuti kune vatengesi vari mumugwagwa here.

VaNyathi vati zvakakosha kuti vanhu vatevedzera zvakatarwa kuti nyika ikwanise kurwisana nechirwere cheCoronavirus ichi.

Asi masangano anomiririra vatengesi vemumugwagwa anoti kuvharwa kwenyika kwakaisa nhengo dzawo parumananzombe sezvo dzisina dzimwe nzira dzekuwana zvekuzviraramisa.

Zimbabwe yakavharwa nemutungamiriri wenyika mwedzi wapera kwemazuva makumi maviri nerimwe senzira kudzivirira chirwere cheCovid-19 icho chasiya vanhu vanodarika mabhiriyoni mana vachigara mudzimba pasi rose.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:38 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG