Accessibility links

Breaking News

Vanhu Vanoti Vari Kuomerwa neHupenyu muHurumende Itsva yaVaMnangagwa


Vamwe vagari mudunhu reMashonaland West vanoti hupenyu huri kuramba huchioma zuva nezuva apo zvinhu zviri kuramba zvichikwira mutengo iyo mari isinga wanikwe mumabhangi.

Vagari ava vanoti vaitarisira hurumende itsva yemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, kuti yaitanga kugadzirisa nyaya yekuti mari iwanikwe munyika asi vanoti izvi zviri kukona n’anga murapwa achida.

VaJohn Marava vanoti zvinhu zviri kuoma munyika sezvo mari isati yave kuwanikwa kumabhangi uye mitengo yezvinhu iri kuramba ichikwira.

Izvi zvinotsigirwa nemumwe mugari wekuGunhill muChinhoyi, VaCallistos Mvere, avo vanotengesa nharembozha nemakadhi ekutaurisa panharembozha. VaMwere vanoti mari iri kunetsa munyika.

VaMvere vanoti hurumende itsva ingadai yakakwanisa kuti vanhu vawane mari kumabhangi kubva muna Mbudzi gore rakapera payakapinda.

VaMvere vanoti nekuda kwekunetsa kwemari munyika vave kuita mukando nemari yavanenge vawana pazuva kuti vatize dambudziko rekushaya mari mubhizinisi ravo.

VaMvere vanotsanangura nyaya yekuwana mari nemukando.

VaElijah Mhondwa vanoti VaMnangagwa hapana zvavari kuita kugadzirisa nyaya yehupfumi sezvo zvekunyorerana zvibvumirano nedzimwe nyika zvavari kuita zvisina zvazviri kuunza munyika kufanana nezvaingoita vaimbove mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe.

VaMarava vanoti kuoma kuri kuramba kwakaita zvehupenyu munyaya dzezvehupfumi zvinoratidzwa nekusawanikwa kwemabasa munyika.

VaMarava vanoti mapepa edzidzo haasati ave kushandiswa kuti munhu awane basa asi kuti munhu anopinda basa zvichienderana nekuti anoziva ani pakambani kana kuita zvehuori.

Nyanzvi inoona nezvehupfumi, uye vachishanda nesangano ravava chipangamazano re Labor and Economic Research Institute of Zimbabwe, VaProsper Chitambara, vanobvumirana nevagari kuti VaMnangagwa vangadai vakagadzirisa nyaya yemari sezvo zvisingade ngava yakakura seyavatora.

VaChitambara vanoti VaMnangagwa vachavhoterwa nevanhu vachitarisa zvavaita panyaya dzemari nehupfumi zvinosanganisira kukwira kwemitengo yezvekudya muzvitoro izvo zvinobata vanhu mazuva ose.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:37 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG