Accessibility links

Breaking News

Vakawanda Votamba Zororo reEaster Vasina Mari


People queue to withdraw cash outside a bank in Harare, Zimbabwe, Nov. 28, 2017.
People queue to withdraw cash outside a bank in Harare, Zimbabwe, Nov. 28, 2017.

Vagari vekuMasvingo vanoti vari kunetseka zvikuru kuti vawane mari kumabhanga kuitira kuti vakwaniseo kutamba zororo reEaster zvakanaka kana kushanyira hama neshamwari.

Mabhanga mazhinji anga asina mari, uye mashoma ange ane mari, anga achipa vanhu mari iri pakati pemadhora makumi maviri kusvika pamakumi mashanu chete.

Vakawanda vanoti mari iri kupihwa nemabhanga iyi ishoma kuti vakawanise kugadzirira kushanya kunzvimbo dzakasiyana - siyana pazororo reEaster.

VaZivanai Mukumbe vanoti zvirongwa zvavo zvekushanya zvapinzwa mudondo nenyaya yekushaikwa kwemari kubhanga ravo.

Muzvare Precious Chimombe vanoti vatadza kuenda kumusangano wechechi yavo nepamusana pekushaya mari yekufambisa.

Vagari vazhinji vanoti nguva ye Easter ndeyekushanyira hama neshamwari vachifara nekurangarira mwanakoma wamwari, Jesu Kristo, asi izvi hazvigoneki kana munyika vanhu vachitambura nekushaikwa kwemari.

VaWalter Zingoni vanoti vanga vakaronga kunoita zvirongwa zvechivanhu vachitarisirawo kundoroora mudiwa wavo kumusha kwake asi, zvakundikana.

VaTinaye Mapingure vanoti vange vachitarisira kuti zororo iri gore rino richaita nani nekuti pave nehutongi hutsva, asi hapana chashanduka.

"Musiyano hapana otherwise ya Mnangagwa iyi hurumende inotova worse pane yaMugabe, zvinhu zviri kuramba zvichingokwira, mari yacho hakuna, chero kuti uiwane, easter ichabhowa iyi yegore rapera zvaitova nani taitowana mari, iko zvino hakuna zvachose," vadaro vamapingure.

Vanhu vakawanda vanga vachitarisira kuti hurumende itsva yaVaEmerson Munangagwa ichagadzirisa matambudziko emari, asi kusvika pari zvino, hazvisati zvaitika.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:57 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG