Accessibility links

Breaking News

FC Platinum Yokweshana neHoroya yekuGuinea neMugovera


Chikwata cheFC Platinum chinofanira kutora mapoinzi ese matatu apo chiri kutamba neHoroya yekuGuinea neMugovera kunyange zvikaoma seyi.

Chikwata cheHoroya ndicho chinotariswa sechiri nyore kurova mugungano iri zvekuti FC Platinum inofanira kukunda muBarbourfields Stadium neMugovera muBulawayo kuitira kuti irambe iri munzira yekusvika mumakota fainari emakundano aya.

Zvikwata zviviri izvi ndizvo zviri pasi pasi mugungano rezvikwata zvina iri nepoindi imwechete zvekuti kukundwa kwePure Platinum Play kunovasiya vamira netambo uyezve pasi pasi mugungano rinosanganisirawo Orlando Pirates yekuSouth Africa neEsperance yekuTunisia, idzo dziri kutungamira dzakabatana pamapoinzi mana.

Asi kukunda kweFC Platinum mangwana kunoisiya yaswedera pedyo pedyo nemaBuccaneers nema Blood and Golds ayo ari kusanganawo mangwana zvekare muOrlando Stadium.

Asi FC Platinum inofanira kugadzirisa zvakasimba matambiro ayo epamberi pegedhe apo Gift Bweti, Mkhokeli Dube na Rainsome Pavari, vari kutambisa mikana yavari kuwana.

Chikwata chemuZimbabwe ichi hachisati chanwisa kana chibodzwa chimwe chete mumakundano aya mushure mekuita 0-0 neOrlando Pirates pamwe nekurohwa 2-0 ne Esperance apo chakashanya kuTunisia.

Asi mumwe muteveri wenhabvu, VaMordecai Zhuwakinyu, vanoti izvi zviri kupera paHoroya vachiti chikwata chavo chiri kukunda vachitipawo zvibodzwa zvacho.

Mutsigiri weHarare City, VaSimon Mukuradare, vanoti vane chivimbo chakasimba kuti FC Platinum iri kufadza ruzhinji rweZimbabwe mangwana.

Horoya yave nesvondo rese iri muZimbabwe ichigadzirira mutambo uyu uyezve yakasimuka kubva muHarare nezuro yakananga kuBulawayo.

FC Platinum neAC Horoya dziri kusangana zvekare svondo rinouya muConakry, kuGuinea.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:00 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG