Accessibility links

Breaking News

Hurumende Youdzwa Kuita Sarudzo Dzisina Mutauro


Zimbabwean President Emmerson Mnangagwa officiates at the swearing in ceremony for his cabinet at State House in Harare, Zimbabwe, Dec. 4, 2017.
Zimbabwean President Emmerson Mnangagwa officiates at the swearing in ceremony for his cabinet at State House in Harare, Zimbabwe, Dec. 4, 2017.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika dzinoti hurumende yaVaEmmerson Mnangagwa, inofanirwa kuita sarudzo dzakachena kuitira kuti veruzhinji vakoshese kuvhota panguva dzesarudzo.

Mashoko aya akabuda pamusangano wekuzeya sarudzo wakaitirwa muHarare neChina.

Vachitaura pamusangano wakarongwa nesangano rakazvimiririra reZimbabwe Election Support Network neChina, muzvinabhizimusi huye vari mufundisi, DoctorShingi Munyeza, vakati hurumende inofanirwa kusunungura vanhu kwete kuramba vari nhapwa dzehurumende kuitira kuti vanyatsovhotera vanhu vavanoda.

VaMunyeza vakati vazhinji kunyanya kumamisha vanovhotera bato reZanu PF nekuda kwekuti vane zvavanowaniswa nehurumende pachena zvakaita sembeu, zvekudya, nezvimwewo vakati vane mafungiro ekuti vanhu vanozovhotera bato iri kuti vasazosarudzwe mumisha yavanogara vachisiiwa panowanikwa zvemahara izvi.

VaMunyeza vakatiwo bato reMovement for Democratic Change rinofanirwa kubuda pachena kuti zvii zvichaitika nekurwara kwemutungamiri wavo, VaMorgan Tsvangirai, sezvo zvoita kuti vamwe vavhoti varase tariro yekunonyoresa kunovhota vachiti pane vari kutarisira kukwikwidza semutungamirir wenyika hapana wavanoona kuti angabudise Zimbabwe mumatope mairi

Vari munezvematongerwo enyika, Amai Priscilla Misihairambwi Mushonga, vakati vane tarisiro yekuti vanhu vachavhota gore rinouya vakawanda vachifarira kuchinja kwakaita hurumende.

Amai Misihairambwi Mushonga vakatiwo havasisina tarisiro yekuti mutemo ine chekuita nesarudzo ichavandudzwa sezviri kutarisirwa nemapato anopikisa. Amai Mushonga vakati chongodiwa pari zvino kuti vanhu vasarohwe pamwe nekuti vanhu vesevapiwe mukana wekunyoresa nekuzovhota.

Gweta uye vari murwiri wekodzero dzevanhu, VaBrian Kagoro, vakatiwo vane chivimbo chekuti vana veZimbabwe vakabatana nemazvo vanomisa vechiuto kuti vapindire munyaya dzesarudzo vachishandisa bumbiro remitemo yenyika.

Sangano reZesn rinoti richange richiita misangano yekukurukura nyaya dzine chekuita nesarudzo kamwe chete pamwedzi kuitira kuti vanhu vakwanise kukurukura nezvesarudzo dziri kutarisirwa gore rino.

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:53 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG