Accessibility links

Breaking News

Vamwe Vanhu Votamba Kisimusi Vasina Chekubata muZimbabwe


Zimbabwe Tumbling Economy - Empty Food Shelves

Vanhu vakawanda muHarare vanoti kisimusi yegore rino yanga isinganakidze kudarika yemakore ose sezvo vatadza kuenda kumisha yavo uye vashaya zvinwiwa nezvokudya muzvitoro.

Veruzhinji muHarare vanoti vatadza kuenda kuzororo rekisimusi nekunetsa kwanga kuchiita mabhazi kuwana kuMbare Musika.

Mumwe wevanga vachida kuenda kunoona hama neshamwari ndiAmai Nancy Sakarombe avo vati vashaya chekufambisa kuenda kumusha kwavo kuGokwe.

Vamwewo vanga vasina nzendo vakaita saAmai Rosyln Masiyazi vanoti vaswera vachimbeya vachitsvaga zvinwiwa nezvokudya muzvitoro kuti vakwanise kutandara nemhuri asi zvinhu izvi zvanga zvisiri kuwanikwa semakore ose.

VaKennedy Chigiji vanogara mumusha weWarren Park vaudzawo Studio7 kuti mumabhawa manga musiri kuwanikwa doro vachiti izvi zvazoita kuti vaswere varere.

Vezvitoro vatataura navo vanoti zvinwiwa zvisingadhake pamwe nedoro zvawandirwa panguva ino yekisimusi sezvo vagara vachiwana zvinwiwa izvi zviri zvishoma kubva kumakambani anobika doro nezvinwiwa zvisingadhake izvi ayo ari kuchemawo kuti ari kushaya mari yekunze yekutenga zvinodiwa pakugadzirisa zvinwiwa izvi.

VaGibson Rukobo, avo vanogara mumusha weGreendale, vanoti vatadzawo kushanyira hama dzavo kuUzumba sezvo vaswera vari mumutsetse wekutsvaga mafuta emotokari vaine mhuri yavo vachida kuenda kumusha.

Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa, vakati dambudziko remafuta edzimotokari richapera mukupera kwemwedzi uno asi zviri kuitika zviri kuratidza kuti dambudziko iri riri kutotandavara.

Zvichakadai, hurumende inoti veruzhinji vanofanira kumbotiwirira kwemakore mashomanana iyo ichiedza kugadzirisa kusamira zvakanaka kwakaita hupfumi hwenyika.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:02 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG