Accessibility links

Breaking News

European Union Inombosendeka Parutivi Zvirango Zvayakatemera VaChiwenga neVamwe muHurumende


Mutewedzeri wemutungamiri wenyika, VaConstantino Chiwenga.
Mutewedzeri wemutungamiri wenyika, VaConstantino Chiwenga.

Sangano reEuropean Union razivisa neMuvhuro kuti rambosendeka parutivi zvirango zvarakatemera vamwe vakuru-vakuru muhurumende vatatu pamwe nemudzimai vevaimbove mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe.

Sangano iri rawedzerawo negore rimwe chete zvirango zvarakatemera kambani yehurumende yeZimbabwe Defense Industries zvichitevera kuurayiwa kunonzi kwakaitwa vanhu nemasoja mukuratidzira kwakaitika munyika muna 2018.

Gwaro raburitswa neEU rinoti vana vambosendekerwa zvirango parutivi vanoti mutevedzeri wemutungamiri wenyika, VaConstantino Chiwenga, gurukota rezvekurima VaPerrance Shiri, mukuru wemauto VaPhillip Valerio Sibanda, pamwe naAmai Grace Mugabe.

Vaimbova mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe vabviswa zvachose pazvirango izvi zvichitevera kushaya kwavakaita gore rapera.

European Union yati zvirango zvayakatemera VaChiwenga, VaShiri, VaSibanda pamwe naAmai Mugabe zvekufamba pamwe nemabhizimusi avo zvicharamba zvakaiswa, kunyange hazvo zvambosendekwa pari zvino.

Gwaro reEU iri rinoti sangano iri rabudawo nechisungo chekuti Zimbabwe Defense Industries irambe iri pazvirango kwerimwe gore zvichitevera kusafereretwa kwekutyorwa kwekodzero dzevanhu kunonzi kwakaitwa nevari muchiuto.

Komisheni yaiongorora mhirizhonga yakaitika muZimbabwe muna Nyamavhuvhu 2018 yaitungamirwa nevakambove mutungamiri weSouth Africa, VaKgalema Motlanthe, yakakurudzira hurumende kuti iferefete kupfurwa kwakaitwa vanhu nemasoja zvakasiya vanhu vatanhatu vafa pakaratidzirwa neveruzhinji munyika.

Gwaro raburitswa neEU iri rinoti zvirango zvawedzererwa Zimbabwe Defense Industries hazvikanganise hupfumi hwenyika yeZimbabwe, kusimwa kwemari munyika pamwe nekutengeserana pakati peZimbabwe neEU. Rati zvirango izvi zvaramba zviripo kukambani yeZDI senzira yekukurudzira kuti munyika mutevedzerwe mutemo pamwe nekuremekedza kodzero dzevanhu.

Mutauriri wesangano reCrisis in Zimbabwe Coalition, VaMarvelous Khumalo, vati vanotambira danho ratorwa neEU iri.

VaKhumalo vati danho ratorwa neEU iri rinotobatsira kuti kodzero dzevanhu munyika dzicheredzwe.

Zvichakadai, mutewedzeri wemutauriri webato guru rinopikisa reMDC inotungamirwa naVaNelson Chamisa, VaLuke Tamborinyoka, vati zviri kuhurumende yaVaEmmerson Mnangwagwa kuti zvirango izvi zvibviswe zvachose.

Hatina kukwanisa kutaura negurukota rezvekuburitswa kwemashoko Amai Monica Mutsvangwa kuti tinzwe divi rehurumende padanho ratorwa neEU nhasi iri.

Asi mutewedzeri wavo, VaEnergy Mutodi, vati vafara zvikuru sehurumende kuti VaChiwenga nevamwe vavo vambosendekerwa zvirango zvavo, vakati zvirango zvose zvakatemerwa Zimbabwe zvinofanirwa kubviswa.

VaMutodi vati hurumende iri kutora matanho kune vanhu vari muchiuto vari kufungidzirwa kuti vakakonzeresa kufa kwevanhu muna Nyamavhuvhu 2018.

Gurukota rinoona nezvekudyidzana nedzimwe nyika, VaSibusiso Moyo, vaburitsawo mashoko ekuti hurumende inotambira danho ratorwa neEU iri vachiti izvi zvinoratidza kucherechedzwa kwekuvandudza zvinhu munyika kwavanoti kuri kuitwa nehurumende yaVaMnangagwa.

VaMoyo vati zvirango zvese zvakatemerwa Zimbabwe zviri kukanganisa kuvandudza kwavari kuita zvinhu munyika vachiti zvinofanira kubviswa zvose nekukasika zvikurusei panguva iyo nyika yakatarisana nenzara inotyisa.

VaMoyo vati hurumende yeZimbabwe icharamba ichiita nhaurirano neEU vachiti mumwe musangano wekuedza kugadzirisa hukama pakati peZimbabwe neEU uchaitwa muna Chikumi, uye musangano uyu wakatarisirwa kuitirwa kuBrussels zvichitevera mumwe musangano wakadai wakaitwa muHarare mukupera kwegore rapera.

EU yakurudzira Zimbabwe kuti ivandudze hupfumi hwenyika pamwe nezvematongerwo enyika nekukasika kuitira kuti izvi zvigobatsira ruzhinji rweZimbabwe.

Sangano iri rakurudzirawo hurumende kuti iferefete zvakabuda mugwaro rakaburitswa nekomisheni yaVaMotlanthe nekukasika pasina kuramba hurumende ichitora nguva yayo mukuita izvi kuitira kuti vanonzi vakatyora kodzero dzevanhu vatongwe.

EU yakurudzirawo kuti paitwe nhaurirano dzisingasiye vamwe vanhu panze kuitira kuti Zimbabwe igadzirise matambudziko akatarisana nenyika.

Kurudziro yaitwa neEU iyi inouyawo apo VaMnangagwa vari kuramba kuita nhaurirano naVaChamisa ivo VaMnangagwa vachiti nhaurirano idzi dzinofanira kuitwa pasi pechirongwa chavari kudaidza kuti Political Actors Dialogue kana kuti Polad.

Nekune rumwe rutivi, VaChamisa vanotiwo havapinde munhaurirano dzePolad dzavanoti idambe, vachiti vanoda nhaurirano dzinotungamirwa nemunhu anove mutungamiri weimwe nyika kana akambotungamira imwe nyika.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG