Hurumende yadzika mutemo weStatutory Instrument 89 of 2021 uyo uri kurambidza veruzhinji kubva iye zvino zvichienda mberi kupinza munyika motokari dzine makore gumi kana kudarika ichiti vanenge vachida kupinza motokari idzi munyika vanofanira kutanga vapihwa mvumo nebazi rinoona nezvekugadzirwa nekutengeswa kwezvinhu, reIndustry and Commerce.
Mumwe mukuru anoona nezvekutorwa kwemitero mubazi reZimbabwe Revenue Authority kana kuti Zimra, Amai Sibongile Dhliwayo, vanyora tsamba kuvashandi vebazi ravo vari kumiganhu yose yenyika, tsamba iyo iri mumaoko eStudio 7, vachivaudza kuti kubva izvozvi hapana munhu achabvumidzwa kupinza munyika motokari ine makore anodarika gumi asina tsamba kubva kubazi rinonona nezvekugadzirwa kwezvinhu pamwe nekutengeserana zvisinei nekuti motokari idzi dzange dzatove munzira kupinda munyika mutemo uyu usati wadzikwa.
Vamwe vagari vemuHarare vakaita saVaTichakunda Mhiko, avo vanorarama nekutengesa mumigwagwa, vaudza Studio7 kuti varwadziwa zvikuru nedanho ratorwa nehurumende iri.
VaMhiko vati vanga vari pakati pekuunganidza mari yekuti vatenge motokari kunze kwenyika kuti vagoishandisa mukunohodha zvavanotengesa.
Mumwe mugari wemuHarare, VaTendai Nzara, vatiwo nemamiriro akaita zvinhu munyika munyaya dzezvehupfumi havakwanise kutenga motokari kumakambani anotengesa motokari muno vachiti mutemo wadzikwa nehurumende uyu unofanira kusendekwa parutivi.
Mutemo wadzikwa nehurumende uyu unotiwo zvizvarwa zveZimbabwe zvinenge zvichishanda kunze kwenyika hazvichabvumidzwewo kupinza motokari munyika dzinokosha madhora zviuru zvishanu zvemadhora ekuAmerica (US$5 000) kusanganisira mari yekupinza motokari idzi munyika zvasiyana nezvaisimboitwa mutemo uyu usati wadzikwa kuti munhu aishanda ari kunze kwenyika aigona kuuya nemotokari yake pasingatariswe kuti inokosha mari yakawanda zvakadii.
Mutungamiri wesangano rePassengers Association of Zimbabwe, VaTafadzwa Goliathi, vati zvaitwa nehurumende izvi hutsinye hukuru sezvo zvizvarwa zveZimbabwe zvinenge zvichishanda kune dzimwe nyika zvichibatsirawo nyika kubudikidza nekutumira mari yekunze kumusha.
Munyori anoona nezvekutakurwa kwezvinhu muMDC Alliance, VaSettlement Chikwinya, vaudza Studio 7 kuti danho ratorwa nehurumende iri rinotsikirira varombo munyika vachiti vari kudzika mitemo iyi vanhu vari kuzvimba matumbu nekuguta avo vavati vanopihwa motokari pachena nehurumende.
Hatina kukwanisa kutaura negurukota rinoona nezvekugadzirwa kwezvinhu nekutengeserana, Amai Sekai Nzenza, kuti tinzwe divi ravo panyaya iyi sezvo vanga vasiri kudaira nharembozha yavo.
Asi mhemgo yeZanu PF, VaObert Gutu, vati zvinenge zvichidawo kuti hurumende isimudzire kugadzirwa kwedzimotokari dzakawanda munyika izvo zvinozoderedza mutengo wemotokari.
Nyanzvi munyaya dzehupfumi uye vachishanda neLabour and Economic Research Institute of Zimbabwe, Doctor Prosper Chitambara, vati zvaitwa nehurumende zvichaita kuti hurumende irasikirwe nemari yemitero yayanga ichiwana.
Pavakatura bhajeti rekushandiswa kwemari yenyika kwegore rino muna Mbudzi gore rapera, gurukota rezvemari, VaMthuli Ncube, vakati hurumende yakaona zvakakodzera kuti itore danho iri sezvo Zimbabwe yave nyika yekurasirwa motokari dzisingakodzere kunge dziri mumigwagwa.
Facebook Forum