Accessibility links

Breaking News

VaMnangagwa Vanoshorerwa Nyaya yeGukurahundi


Zimbabwe's former Vice President Emmerson Mnangagwa, who is to be sworn in to replace Robert Mugabe as president, addresses supporters in Harare, Zimbabwe, Nov. 22, 2017.
Zimbabwe's former Vice President Emmerson Mnangagwa, who is to be sworn in to replace Robert Mugabe as president, addresses supporters in Harare, Zimbabwe, Nov. 22, 2017.

Apo VaEmmerson Mnangagwa vari kugadzwa kuve mutungamiri wenyika, vakawanda vanoti VaMngangwa vanofanirwa kutora mukana uyu vogadzirisa nemazvo matambudziko emunyika uye kuyananisa vanhu vose, pamwe nekuba pachena nekukumbira ruregerero kuvanhu vakatadzirwa nehurumende yaVaMugabe iyo VaMnangagwa vakanga vari nhengo inokosha.

Murwiri wekodzero dzevanhu, Muzvare Nozipho Moyo, vanoti kwavari kugadzwa kwaVaMnangagwa kuve mutungamiri wenyika kwakafanana nekuenderera mberi nehutungamiri hwaVaMugabe vachiti vaviri ava vakafanana.

Muzvare Moyo vanoti VaMnangagwa ndemumwe wevatungamiri vebato reZanu PF vane chekuita nekuurayiwa kwevanhu mumatunhu eMatabeleland neMidlands panguva yeGukurahundi.

Mumwe mugari wemuBulawayo uyo akangozvidoma nezita rekuti Chirandu anotsinhirawo achiti vanhu vanogona kukasika kufara vachitambira hutongi hutsva hwaVaMnangagwa, asi vozoona kuti makudo mamwe chete naVaMugabe.

Vamwe vanoti mumamwe mashoko avakataura kuvatsigiri vavo neChitatu, VaMnangagwa vakatadza kutora mukana wekuratidza kuti vanoregerera VaMugabe nemudzimai wavo, Amai Grace Mugabe, pamwe nevamwe vanhu vaisada kuti vave mutungamiri webato nenyika.

Asi VaDidmus Dewa, vachitaura semuongoriri wezvematongerwo enyika anoshanda akazvimirira, vanoti mashoko aVaMnangagwa anofanirwa kunzwisiswa seaitaurwa nemunhu ange aine mufaro mukuru mushure mezvakaitika kwavari.

VaDewa vanoti munhu wese anotarisira kuti VaMnangagwa vagadzirise zvakakanganiswa zvose panguva yehutongi hwaVaMugabe kusanganisira nyaya yeGukurahundi.

Mutori wenhau anoshanda akazvimirira ega, Thelma Chikwanha, anoti VaMnangagwa vane mukana wakakura wekuyananisa vanhu munyika pamwe nekubuda pachena pamusoro penyaya yeGukurahundi senzira yekugadzirisa nyaya iyi.

Asi VaMnangagwa vakaudza mapepanhau ekuBritain kare vachiti munhu chaiye anofanirwa kurovererwaa panyaya yeGukurahundi ndi VaMugabe pachavo sezvo vaive ivo mutungamiri wenyika panguva iyi.

Izvi zvinotsigrwawo naVaMagura Charumbira vanove mutsigiri weZanu PF, avo vanoti VaMnangagwa pachavo munhu anodiwa nevanhu nekuti vane mutsa.

Asi murongi wemabasa musangano reAbammeli Human Rights Lawyers Network, VaTineyi Mukwewa, vanoti zvakakosha kuti VaMnangagwa vave vanotaura nezvenyaya yeGukurahundi.

Vanhu vanopfuura zviuru makumi maviri vanonzi vakaurayiwa panguva yeGukurahundi. VaMugabe havana kumboda kukumbira ruregerero panyaya iyi kunze kwekufananidza nguva iyi nekupenga kunogona kuitika kuvanhu.

Vanhu munyika nepasi rose vakamirira kunzwa nekuwona zvichaitwa naVaMnangagwa mumazuva mashoma ari kutevera mukugadzirisa nyaya iyi pamwe namatambudziko akatarisana nenyika.

Nyaya Ina Taurai Shava
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:05:11 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG