Accessibility links

Breaking News

Kushandisa Zvipfuyo seMari Kwokonzera Mutauro


Mollen Chisenwa
Mollen Chisenwa

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi dzinoti zviri kukurudzirwa nehurumende zvekuti vanhu vashandise zvipfuyo zvakaita semombe, mbudzi, huku nezvimwe panzvimbo yemari mukubhadhara mari dzechikoro, munongedzo wekuti hurumende yemutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, yakundika.

Asi hurumende inoti kushomeka kwemari kuri kukonzerwa nevanhu vasiri kuendesa mari kumabhanga.

Gurukota rinoona nezvemari, VaPatrick Chinamasa, vanotiwo mabhanga anofanira kutambira mombe, mbudzi, huku nezvimwe zvipfuyo semari yechibatiso kuvanhu vanenge vachida kukwereta mari kumabhanga aya.

Gurukota rinoona nezvedzidzo, VaLazerus Dokora, vakatiwo vabereki vanokwanisa kushandisa zvipfuwo zvavo kubhadhara mari dzechikoro.

Asi nyanzvi munyaya dzezvehupfumi dzinoti uyu munongedzo wekuti Zimbabwe yadzokera kuchinyakare uye munongedzo mukuru wekukundikana munyaya dzezvehupfumi.

Gore rapera, hurumende yakaparura mari yema bond notes kuti iyedze kupedza dambudziko rekushomeka kwemari asi dambudziko iri rinenge ratonyanya kudzika midzi.

Vanhu vatanga zvakare kurara panze pemabhanga vachitsvaga mari uye muzvitoro zvinhu zvatanga kushaikwa sezvo kusisina mari yekunze yekuhodhesa.

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi vachidzidzisa paUniversity of Zimbabwe, Doctor Gift Mugano, vanoti hurumende yapererwa ndokusaka yave kuda kudzokera kuchinyakare.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG