Accessibility links

Breaking News

Nhumwa dzeSADC Dzinoti Sarudzo Dzakaitwa Zvakanaka


SADC
SADC
Sangano renyika dzekuchamhembe kweAfrica ranga richiongorora sarudzo, reSouthern African Development Community Electoral Commissions Forum Observer Mission, rinoti sarudzo dzakaitwa dzange dzakachena zvisinei nekuchema chema kuri kuita masangano anoshanda akazvimirira munyika.

Vachitaura nevatori venhau, sachigaro vesangano iri, Amai Notemba Tjipueja, vati vanhu vakavhota murunyararo uye semaonere avo, sarudzo idzi dzakafamba zvakanaka.

Pavabvunzwa kuti sei vachiti sarudzo idzi dzange dzakachena asi pakashandiswa gwaro revavhoti risina kuchena, Amai Tjipueja vati hapana nyika ine gwaro revavhoti rakachena. Asi vabvuma kuti gwaro iri rinofanira kugadziriswa.

Kunyange hazvo sangano iri rati sarudzo dzange dzakachena, sangano iri ratiwo harina kufara nenyaya yekuti mapato ezvematongerwo enyika nevakakwikwidza havana kupihwa gwaro revavhoti paine nguva kuti vari penengure.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika, uye vachishanda nesangano reCrisis in Zimbabwe Coalition, VaJoy Mabenge, vanoti zvabuda musarudzo iyi zvinodzorera Zimbabwe kumashure.

Nyaya Ina Irwin Chifera
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:36 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG