Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Inotanga Musangano weKukwezva veMabhizimisi VeKunze muSouth Africa


mashakada
Musangano weZimbabwe Investment Conference wakanangana nekukweva vemabhizimisi ekunze wakatanga muJohannesburg South Africa neChitatu.

Makurukota ehurumende yemubatanidzwa akakurudzira vekunze kuti vauye muZimbabwe kuzotanga mabhizimisi. Musangano uyu wakarongwa negurukota rezveGwara reHupfumi VaTapiwa Mashakada.

Vange vari munyarikani pamusangano uyu mutevedzeri wemutungamiri wehurumende Muzvinafundoi Arthur Mutambara. VaMutambara vanoti Zimbabwe yagadzirira kuti idyidzane nevemabhizimisi ekunze.

Asi VaCallisto Jokonya, nyanzvi munyaya dzezvehupfumi uye vaimbotungamira Confederation of Zimbabwe Industries vanoti Zimbabwe inofanira kutanga yagadzirisa zvematongerwo enyika isati yamhanyira kukwezva vekunze.
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:03 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:41 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG