Accessibility links

Breaking News

VaMugabe Votsikazve Madziro paSarudzo dzeBy-Election


Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vanoti hazvikwanisike kuti vatare zuva richaitwa sarudzo dzema by elections musi wa 31 Kurume sezvakatarwa nedare repamusoro gore rapera sezvo pasisina nguva yekuita izvi.

VaMugabe vakaendeswa kumatare muna 2010 nenhengo dzedare reparamende nhatu dzinoti VaAbednicho Bhebhe, vekuNkayi South, VaNorman Mpofu vekuBulilima East uye VaNjabuliso Mguni vekuLupane East.

Asi vachimiririrwa negurukota rezvemitemo, VaPatrick Chinamasa, VaMugabe vakakumbira nguva katatu vachiti Zimbabwe haina mari yekuita sarudzo idzi, izvo zvakazopa kuti dare repamusoro soro ritare zuva ra 31 Kurume kuti VaMugabe vange vatara zuva rekuita sarudzo idzi..

Vakatiwo zvaive nani kuti sarudzo idzi dzibatanidzwe nedzenyika yose sezvo vaisatarisa nzvimbo nhatu idzi chete asiwo dzimwe dzinodarika zana nemakumi matanhatu dzemaseneta, nhengo dzedare reparamende nemakanzura.

VaBhebhe vanoti vari kuenda kumatare vachikumbira matare aya kuti VaMugabe vamakidzwe kutevedzera mitemo yenyika.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:51 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG