Accessibility links

Breaking News

Hurumende Yonetseka Kuwana Mari yeSarudzo


Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, mutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, pamwe nemutevedzeri wemutungamiri wehurumende, VaArthur Mutambara, vaita musangano neChipiri negurukota rezvemari, VaTendai Biti, gurukota rezvemitemo, VaPatrick Chinamasa, pamwe negurukota rezvemigodhi, VaObert Mpofu, vachikurukura mamiriro akaita homwe yenyika zvikuru pakatariswa nyaya yereferendamu nesarudzo dzenyika.

Musangano uyu waitirwa kuMunhumutapa Building papera musangano wedare remakurukota.

Hurumende iri kutatarika kuti iunganidze mari iri kudiwa izvo zvakapa kuti bhajeti rereferendamu ridzikiswe kubva pamamiriyoni makumi masere nemashanu emadhora.

VaBiti vanoti hurumende inoda mari inosvika zana nemakumi matatu emamiriyoni emadhora kuti sarudzo dziitwe.

Ukuwo VaMutambara vanoti mari yereferendamu yavepo asi yasarudzo ndiyo yavachiri kutsvaga.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:04 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG